Accessibility links

Breaking News

Muimbi weMusambo weJazz, Bernard Betera, Onzi neVakawanda Atora Ruoko rwaMushakabvu Oliver Mtukudzi muNyaya dzeMimhanzi


Muimbi wemusambo weJazz, Bernard Bukira-Betera

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nemuimbi wemusambo weContemporary Jazz, Bernard-Bukira Betera.

Betera ane nziyo dzake dzichangoburwa,dzinoti "Tyrant" na "Zimbabwe" iyo yaanoti ndiyo iri pamwoyo pake sezvo akadzamisa pfungwa zvakanyana paakainyora.

Betera anoti akaberekerwa kuBocha, kwaMarange mudunhu reManicaland akakurira kwakare kuBocha ikoko kunove kwaakaita zvechikoro chake zvese asati atamira kuHarare mugore ra2012.

Muimbi uyu anoti zvemagitare akazvitangira kumusha asi haana kuenderera mberi ikoko sezvo vehukama nevabereki vaive vasingazvifariri.

Akatozotanga kuimba zviri pachena ave kugara kuHarare akazoenda kuPakare Paya Arts Centre kuNorton uko anoti akabatsirwa zvakanyanya namushakabvu Oliver Mtukudzi, uyo akavamba Pakare Paya.

Betera anoti matambudziko aanochema nawo ndeekusvibiswa zita kunyanya munzvimbo dzinoridzirwa magitare nekuda kwevanhu vanotaura kwavasina kuswera nevamwe vaimbi vaanoti vanosiya vaita zvinoshoresa mazita evaimbi.

Rimwewo dambudziko raanoti arikusangana naro nderekushaya mari dzekuunganidza zvinodiwa kuti agone kuridza zvine mutsindo asina chaanokumbira kana kubhadhara mari kuti ashandise.

Bernard Bukira- Betera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00

Benard anoti vanoda kumubata vanomuwana panhamba dzinoti 0777 224 320 uyewo pamadandemutande e Twitter, Youtube, Facebook ne Tick Tock nezita rake rekuti Bernard Betera –Bukira Music. Paizvino anoridza munzvimbo dzekutandarira, kumitambo yakaita se michato ne zvirongwa zvemisangano ye ma “Conference”zvinoitwa ne makambani ne masangano akazvimiriririra.

Hurukuro naBernard Bukira- Betera-Woza Friday
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG