Accessibility links

Breaking News

Vasori Vopomerwa Mhosva Yekuda Kubatana neDzimwe Hama Kuviga Muzvare Moreblessing Ali


Muzvare Moreblessing Ali
Muzvare Moreblessing Ali

Vanofungidzirwa kuti vasori nedzimwe hama dzenhengo yeCitizens Coalition for Change yakapondwa muna Chikumu, Muzvare More Blessing Ali vanonzi vakaedza kuda kuviga mutumbi wavo nezuro kumarinda ekuMabvuku pasina kuwiririrana nedzimwe hama dzemufi.

Asi zvinonzi kuvigwa uku kwakakundikana sezvo vanoshanda kumarinda aya vainzi vaiti vanoda chitupa chemufi icho chavakanga vasina.

Muzvare Ali vaiva vakapondwa muna Chikumi kuNyatsime naVaPius Jamba avo vakatenda kudare kuti ndivo vakaita izvi.

Hanzvadzi yemufi, VaWashington Ali vaudza Studio 7 parunhare vari kuBritain kuti vakanga vasina kuwirirana nevanonzi vaida kuviga hama yavo ava uye vati havasi kuzobvuma kuiviga kudzamara gweta ravo VaJob Sikhala vanova mumiriri weZengeza West VaJob Sikhala vaburitswa muhusungwa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, kuti tinzwe divi ravo sezvo patavafonera vanga vachiti vakabatikana. Tatadza kubatawo mukuru wesangano revasori reCentral Intelligence Organization VaIsaac Moyo.

Asi vachitaura nebepanhau renew Zimbabwe.com, VaGeorge Charamba, mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varamba kuti hurumende ine chekuita nehurongwa uhu.

Vamwe vashandi vepachipatara cheParirenyatwa vati havachaziva kuti mutumbi waMuzvare Moreblessing Ali uripi parizvino sezvo usina kudzoswa kumochari pawakatorwa nemusi weChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG