Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyika Dzinoti Vari Kubva kuChina Vavhenekwe Covid, Zimbabwe Ichikurudzirwa Kuti Igarewo Yakagadzirira


Dzimwe nyika dzinoti dzave kuda kuisa zvirongwa zvekuti vanhu vanenge vachibva kuChina vatange vavhenekwa chirwere cheCovid-19 vasati vabvumidzwa kudzishanyira.

Izvi zvinotevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi muChina mushure mekunge yarerutsa mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi zvichitevera kuratidzira kwainge kwoita vanhu.

Nyika dzinoti America, Japan, India, South Korea, Taiwan ne Italy dzatotora danho rekuti vose vari kubva kuChina vavhenekwe chirwere cheCovid 19.

China iri kupomerwa mhosva yekuvanza huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere ichi.

Mukuru wesangano rinorwirwa kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano ReCommunity Woking Group on Health VaItai Ruisike vakurudzira hurumende kuti ipe mari yakakwana kubazi rezvehutano kuti rigare rakagadzirira kurwisa chirwere ichi kana chikatangazve kupararira.

Nyika dzave kutora matanho idzi dzinoti China haisi kuudzawo dzimwe nyika kuti kune mhando itsva yeCovid-19 here kana kuti kwete zvinoita kuti zvinetse kugadzirira kurwisa chirwere ichi.

World Health Organization inoti iri kudawo kuziva kuti chirwere ichi chiri kupararira zvakadii muChina. Asi China inoti hapana chairi kuvanza ichiti zvizvarwa zvayo hazvifanire kusarurwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti dziri kutyira kuti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete vanogona kufa muChina muna 2023.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri kuti tinzwe divi rehurumende panyaya yekuti ichatorawo matanho api kudzivirira kupararira kwechirwere kubva kuChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG