Vamwe vezvematongerwo enyika, vashandi pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti gore ra 2022, iro riri kupetwa neMugovera uno, ranga riri gore rakashatisisa zvikuru munyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende ichishandisa mapurisa nemauto.
Mumwe wevanoti hurumende yakawedzera kutyora kodzero dzevanhu muna 2022 ndaVaPeter Mutasa, vanove mutungamiri weCrisis in Zimbabwe Colaition, avo vanoti pakave nekukwira kwehuwandu hwevanhu vakashungurudzwa kana kusungwa vaionekwa sevanopikisa hurumende.
VaMutasa vanopa muenzaniso wekusungwa kwenhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change dzinosanganisira mumiriri weZengeza West, VaJob Sikhala, pamwe nenhengo dzebato reZimbabwe Transparency Party, idzo dzakagara mutirongo kwenguva yakareba, uye kupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali.
VaSikhala nanhasi vachiri mujeri sezvo vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
VaMutasa vanoti gore rinouya zvinhu zvichatonyanya kuoma kana kudarika makore a 2007 na2008 nekuda kwesarudzo dziriko, vachiti hurumende yeZanu PF yatotanga kare kuratidza zvairi.
Hurumende inonziwo yakashandisa mutemo weMaintenance of Peace and Order Act, MOPA, kunyaradza vanoipikisa pamwe nekurambidza misangano yemamwe mapato anopikisa.
Vemasangano akazvimirira vanoti vakawedzerawo kutya kwavo mushure mekunge dare reparamende rapasisa bhiri rinonzi rinosunga mashandiro avo, rePrivate Voluntary Organisations Amendment Bill, iro ramirira kuzeyiwa mudare reseneti.
Asi nhengo yeboka revechidiki muZanu PF, VaAlex Gakanje, vanoti gore ra 2022 ndiro gore rinopinda munhoroondo yenyika kuti hurumende yakachengetedza kodzero dzevana vayo kubvira kuvadzivirira kudenda reCovid-19, kuvawanisa mvura yekunwa yakachena uyewo kuvagadzirira migwagwa.
VaGakanje vanoti hurumende haina kodzero dzevanhu dzayakatyora vachiti zvese zvayakaita mugore rino zviri mubumbiro remitemo yenyika.
Vanoti vakasungwa vakaita saVaSikhala ndivo vaitotyora mutemo, asi vari kurangwa pachishandiswa bumbiro remitemo yenyika.
VaGakanje vanoti gore ra2023 richange rakanaka kudarika rino uye veruzhinji vachange vachingovana kodzero dzavo sezvavagara vachiita.
Facebook Forum