Accessibility links

Breaking News

ZERA Inozivisa nezveKukwira kweMitengo yeDhiziri nePeturu


Peturu yave dhora rimwe rekuAmerica nemasendi makumi mashanu parita.
Peturu yave dhora rimwe rekuAmerica nemasendi makumi mashanu parita.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, yazivisa nezvekukwidzwa kwemitengo yemafuta edhiziri nepeturu kutanga nhasi, peturu ichikwira nemasendi maviri ekuAmerica, ukuwo dhiziri richikwira nemasendi matatu.

Izvi zvasiya mutengo mutsva wepeturu wave dhora rimwe rekuAmerica nemasendi makumi mashanu, kana kuti US$1.50 parita, kubva padhora rimwe nemasendi makumi mana nemasere kana kuti US$1.48 parita.

Mumadhora emunyika peturu yakwidzwa kubva paZW$1 007.45 kuenda paZW$1 016.49 parita.

Dhiziri rinonzi rave kutengeswa nedhora rimwe nemasendi makumi matanhatu nemashanu kana kuti, US$1.65 parita, kubva padhora nemasendi makumi matanhatu nemaviri, kana kuti US$1.62 parita.

Mumadhora emunyika dhiziri rave kutengeswa neZWL$1 118,82 richibva paZWL$1 094,04.

Svondo rapera ZERA yakadzikisa mutengo wepeturu nemasendi maviri, anove ayadzosera zvakare aya.

dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti kukwidzwa kwemitengo yemafuta uku kunogona kunge kwakonzerwawo nekukwira kwemitengo yemafuta pasi rose.

Asi vanoongorora zvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti chinozonyanyowedzera kukwira kwemitengo yemafuta muZimbabwe mitero yemafuta yavanoti yakawandisa.

VaKuchera vanoti mudunhu reSADC, Zimbabwe ndiyo ine mutengo wemafuta uri pamusoro zvakanyanya kudarika nyika dzakaikomberedza.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG