Accessibility links

Breaking News

Pope Benedict Avo Vari Pamudyandigere Vanonzi Vave Kurwara Zvakanyanya


Vatican Pope Benedict
Vatican Pope Benedict

Pope Francis vanoti Pope Benedict avo vari pamudyandigere mushure mekusiya basa rekutungamira kerereke yeRoman Catholic vave kurwara zvakaipisisa.

Mumashoko Kuvatori venhau nezuro, mutauriri wemuzinda weVatican VaMatteo Bruni vakati Pope Francis vakashanyia Pope Benedict vari kuratidza kurawara zvakanyanya zvichikonzerwawo nekukwegura kwavaita. Vakati Pope Francis vakakumbira vanhu kuti vanamatire Pope Benedic.

VaBruni vakati Pope Benedict vari kutarisiswa nekurapwa navanachiremba vavo. Pope Benedict vane makore makumi mapfumbamwe nemashanu ekuberekwa uye vakasiya basa rekutungamira Roman Catholic muna 2013 vachiti hutano hwavo hwainge husisina kumira zvakanaka.

Vakaita Pope wekutanga mumakore mazana matanhatu-600 years kusiya basa. Kubva zvavasiya basa vari kugara havo pamuzinda weVatican

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG