Accessibility links

Breaking News

Botswana Yodzika Mutemo weKurambidza Kutengwa kweMafuta eKufambisa Dzimotokari Akawanda Pasina Rezinesi


Bazi rinoona nezvemhando dzemoto reBotswana Energy Regulatory Authority kana kuti BERA ratora chisungo chekurambidza kuburitswa kwemafuta edzimotokari kunze kwenyika iyi pasina rezinesi muchiitiko chaomesera zvikuru zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe.

Mutemo uyu usati wadzikwa, Botswana yaibvumidza vanhu kubuda munyika iyi kubuda nemafuta anosvika marita zana ekuzvishandisira pasingadiwi rezinesi.

Asi mukuru weBERA, Amai Nnosang Mhutsiwa vaudza Studio7 kuti bazi ravo rakaona kuti hurongwa hwakadai hunoshandiswa neavo vanotengesa mafuta zvisiri pamutemo kana kuti mafuel smugglers.

Mukuru munyaya dzekurwisana nekubudiswa kwemafuta edzimota zvisiri pamutemo muBERA VaGift Bakumbi, vaudza Studio7 parunhare vari muGaborone kuti vadzika mutemo wekumisa kutengeswa kwemafuta ekufambisa dzimotokari

Vati nyaya dzeekubuditswa kwemafuta edzimota zvisiri pamutemo dzinovanzoitika mumiganhu iri kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva enyika iyi pedyo nenyika dzeZimbabwe neZambia.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoita zvekuvaka muguta reFrancistown muBotswana, VaEdson Mponda vanoti hurongwa hutsva uhwu huchaita kuti vanhu vashandise mari yakawanda mukufamba panguva ino yezororo.

Asi nyanzvi munyaya dzemabhizinesi, VaNelson Chipato vati danho ratorwa reBERA iri richaita kuti varimi vane mapurazi akapoteredza dhorobha rePlumtree vanetsekana zvikuru sezvo zvanga zviri nyore kutengera mafuta pedyo neFrancistown pane kuenda kuBulawayo.

Zvinofungidzirwa kuti kupinzwa kwemafuta zvisiri pamutemo kwatekeshera pamuganhu weZimbabwe neBotswana, uko vanhu vanotengesera zvisiri pamutemo vachibvisa chiokomuhomwe kuti vasasungwa, mutsika yapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemamiriyoni emadhora ekuAmerica emari inofanira kubhadharwa semutero.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi vakabvuma muhurukuro nebepanhau reBulawayo24News munaGunyana kuti mapurisa anogara achisunga vanopinza mafuta zvisiri pamutemo munzvimbo dziri pedyo nebhodha rePlumtree.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG