Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vakabva Kunze kweNyika Votora Mukana weZororo Kunyoresa Kuvhota


Vanhu vachiverenga mavhoti

Vamwe vevanhu vakauya kuzororo kubva kune dzimwe nyika kwavakaenda kunotsvaga mafuro manyoro vari kutora mukana uyu kunyoresa kuvhota.

Mumwe akanyoresa kuvhota mushure mekuuya kuzororo kubva kuSouth Africa kwaanoshanda ndiVaDavid Mangeya avo vaudza Studio 7 kuti vachauya zvakare kuzovhota.

VaMangeya vakurudzira zvimwe zvizvarwa zviri munyika dzakapoteredza zvakauya kuzororo kuti zvinyorese nekuzouya kuzovhota.

Ongororo yaitwa neStudio 7 muChinhoyi yaratidzawo kuti pavanhu vakawanda vanga vachinyoresa nhasi vamwe vauya nemotokari hombe kana kuti marori kubva munzvimbo dzakapoteredza.

Mumwe awuya kubva kuMhangura ndiMuzvare Talent Chimbuza vanoti vaunzwa nerori yavasina kuda kutaura kuti ndeyani.

Muzvari Chimbuza vanoti pakafamba vashandi veZEC vachinyoresa kuvhota vakatadza kunyoresa sezvo vainge vasina chitupa

Mukuru weZEC mudunhu reMashonaland West VaAustin Ndlovu vatenda kuti vanhu vakawanda vari kuuya kuzonyoresa kuvhota panguva ino yezororo.

VaNdlovu vayambira vanhu kuti vasanyorese kuvhota kakawanda sezvo zvichizoita kuti vatadze kuvhota vaiswa pagwaro revanhu vanenge vamiswa kunyoresa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Panyaya yekutakurwa kwevanhu kuzonyoresa kuvhota nevezvematongerwo enyika, VaNdlovu vanoti havana basa nazvo kuti munhu auya sei vachiti chavanoda kuti munhu ane zvinodikanwa here kuti anyorese kuvhota.

Kunyangwe veZanu-PF vachitenderwa kutakura vanhu kunonyoresa kuvhota, bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nesangano rinomirira vadzidzi nevamwe vanoti vanomborambidzwa kuita izvi nemapurisa. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

ZEC ichiri kunyoresa vanhu kuti vakwanise kuvhota pasarudzo dzegore rinouya kumahofisi avo mumatunhu makuru nemadiki munyika yose.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzinoona nezvevanhu vanoenda nekunogara mune dzimwe nyika dzinoti pane zvizvarwa zvemunyika zvinosvika mamiriyoni matatu zvigere nekushanda zvisiri pamutemo munyika yeSouth Africa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG