Accessibility links

Breaking News

Rezac Obvuma Mudare remuAmerica Kuti Akauraya Chizvarwa cheZimbabwe VaMleya


VaKupo Mleya
VaKupo Mleya

Karsen Rezac mumwe muchena ane makore makumi maviri nematatu ekuberekwa akatenda mudare rekuNebraska muAmerica nezuro kuti ndiye akauraya chizvarwa cheZimbabwe VaKupo Mleya vaive nemakore makumi matatu nemasere nemusi weChishanu. Rezac akasungwa nemusi weMugovera ari kupomerwa mhosva yekuponda.

Rezac anzi abhadhare mari yechibatiso inosvika zviuru mazana maviri nemakumi mashanu kana kuti US$250. 000 bond.

Asi ari kuramba ari mujeri reLancester County jail kuNebraska. Rezac akaudza mapurisa kuti aidzoke neruvhesi ari mumotokari yake kubva pamba pake muna 20th naWashington Street apo motokari yaVaMleya yeJeep Patriot yakadhuma motokari yake yemhando ye2000 GMC Yukon.

Anoti akavhunduka mushure mekudumwa zvakapa kuti abve atanga kupfura VaMleya. VaMleya vakabva vashaya mapurisa achangosvika. Rezac ari kutarisirwa kudzoka kudare musi wa 26 Ndira nenguva dza10 mangwanani.

VaMleya mwana wegamba renyika rakaradzikwa kuHeroes Acre Brigadier General Fakazi Mleya.

Brigadier Mleya vaizivikanwa nekuti Cde Sign Mbedzi kana kuti Cde Michael Teny munguva yehondo yerungunuko uye vakashaya muna 2007

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG