Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voyambirwa Kuti Vangwarire Kudya Chikafu Chakaora Sezvo Dambudziko reMagetsi Rawedzera


i
i

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vangwarire chikafu chavanodya sezvo kudzimwa dzimwa kwemagetsi kwave kupa kuti chimwe chikafu chiwore zvinova njodzi kuvanhu kana kuti food poisoning.

Dambudziko iri rawedzerawo dambudziko rekushomeka kwemvura yakachena zvikuru mumaguta sezvo michina inochenesa mvura iri kudzimwawo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Josephat Chiripanyanga vanoti vanhu vakawanda vave kurwara nezvirwere zvemudumbu zviri kukonzerwa nekudya chikafu chinenge chave kuipa nekuda kwekusachengetedzwa zvakanaka sezvo mafiriji akawanda asiri kushanda zvakanaka nekudzimwa kwemagetsi.

Vatiwo miriwo inodyiwa iri mimbishi nemichero yese zvayo ngaigezwe nemvura yakachena kudzivirira chirwere chemanyoka.

Nyanzvi yehutano inoshanda iri pasi pekanzuru yeHarare VaJohn Manyara vakurudzirawo zvakare kuti vanhu vamhan'are kumahofisi avo kana varwariswa nemudumbu neckuda kwechikafu cavanenge vatenga.

VaManyara vakurudzira vanhu kuti vasatenge chikafu panzvimbo dzisina kushambidzika.

Vanomirira sangano reChitungwiza Residents Trust Muzvare Diana Kucheya vanoti vakatombonetsana nevamwe vanotengesa nyama muchitoro vatengeserwa nyama yakaora.

Muzvare Kuvheya vanoti vakambonyorera kambani yemagetsi yeZESA tsamba kuti ivape nguva dzinotarisirwa kuuya nekuenda kwemagetsi asi hapana chakabuda.

Ko munhu anoziva sei kuti adya chikafu chinenge chisina kuna ? Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kazhinji anonzwa kuda kurutsa, kurutsa, kuita manyoka anenge mvura, kunzwa mudumbu kana kudziya muviri.

Izvi zvinokwanisa kuitika kwapera maawa mashoma munhu achanopedza kudya chikafu ichi. Vanhu vanokurudzirwa kuenda kunoona chiremba kana vakaramba vachirutsa, kuita tsvina ine ropa, kuita manyoka kwemazuva matatu kana kurwadziwa mudumbu zvakanyanyisa.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu zviuru mazana matanhatu, 600 000, kana kuti munhu mumwechete kubva mugumi, vanorwara nemudumbu mushure mokunge vadya chikafu chisina kuanaka.

Sangano reWHO rinoti vanhu zviuru mazana mana nemakumi maviri, 420 000 vanofa pagore nematenda emudumbu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG