Accessibility links

Breaking News

Nyakupomerwa Mhosva Yekuuraya nePfuti Chizvarwa cheZimbabwe muAmerica Omiswa Pamberi peDare


VaKupo Mleya

Mumwe murume ane makore makumi maviri nematatu Karsen Rezac uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya chizvarwa cheZimbabwe VaKupo Mleya kuNebraska muAmerica ari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChipiri.

Mumagwaro aturwa kudare nemapurisa, VaMleya vakapfurwa mumugwagwa wa20th naWashington kuNebraska aRezac mushure mekunge vaviri ava vaita tsaona.

Mapurisa anoti akawana motokari yaVaMleya yemhando yeJeep Patriot iine maburi emabara epfuti akawanda. Vaviri ava vanonzi vaisazivana. Vanhu vakaona zvakaitika vanoti Rezac mushure mekupfura VaMleya akabva atiza asi akabatwa nekui vainge vaine number plate yemotokari yake.

Mumashoko kuvatori venhau, mapurisa epaLincoln Police Department kuNebraska anoti Rezac anova muchena ari kupomerwa mhosva yekuponda uye kushandisa chombo kupara mhosva.

VaMleya vange vaine makore makumi matatu nemasere ekuberekwa uye mwana wegamba renyika mushakabvu Brigadier General Fakazi Mleya. VaKupo Mleya vakapfurwa nemusi weChishanu manheru,

Rezac akasungwa nemusi weMugovera. uye mapurisa anoti ari kuenderarawo mberi nekuferefeta nyaya iyi achikumbira kuti vose vane humbowo hwezvakaitika kuti vavazivise.

Mapurisa vatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri yaVaMleya vachiti vane hurombo nezvaitika uye vakakumbira vanhu kuti vape mhuri iyi mukana wekuchema murunyararo.

VaMleya vasiya mwana mumwe chete. Nhepfenyuro yeABC news muAmerica inoti homwe yekubatsira kuviga VaMleya kana kuti Go Fund Me yave nemari yave kuda kusvika zviuru makumi maviri nemashanu kana kuti US$25,000 kunyangwe chikumbiro change chiri chekuti paunganidzwe zviuru makumi maviri kana kuti us$20, 000.

VaStephen Kaludzu vanova tsano waVaMleya ndivo vakatanga hurongwa hwechema uhu mazuva matatu adarika. Vanhu vari kutarisirwa kuungana musi wa 9 Ndira kutanga kuonekana nemufi kuNebraska.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG