Accessibility links

Breaking News

Russia Inoti Ukraine Ikasakanda Zvombo Pasi, Mauto Ayo Ndiwo Achapedza Hondo, Asi Ukraine Inoti Haisi Kuzokundwa


Russia Military Putin
Russia Military Putin

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muRussia VaSergei Lavrov vazivisa vatori venhau kuti zviri kunyika yeUkraine kuti hondo pakati penyika mbir idzi inopera riini.

Russia yakatanga kurwisa Ukraine mwedzi gumi yadarika. Asi VaLavrov vati Ukraine haifanire kurwisa matunhu mana akapambwa neRussia anoti Donetsk, Luhansk, Kherson neZaporizhzhia. Vati kana Ukraine ikaramba izvi hondo inopedzwa nemauto eRussia.

Asi mutungamiri wenyika yeUkrain VaVolodymyr Zelenskyy vati Russia ndiyo inofanira kumisa hondo nekubuda munzvimbo dzose dzayakapamba.

Vati zvekupinza vanhu vakawanda basa muchiuto nekutsvaga zvombo kunyika dzakaita seIran hazvisi kuzobatsira Russia muhondo iyi.

Kurwisana kunyotyisa kuri kuenderera mberi munzvimbo dzakaita seBakhmut ne Kreminna mudunhu reDonbas.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG