Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vombodimburira Zororo paNzira Kuti Vapihwe Gwaro neZEC Vamwe Vachiti Raikwanisa Kupihwa VaChiwenga Vakabata Matomu


VaEmmerson Mnangagwa kurudyi naVaConstantino Chiwenga
VaEmmerson Mnangagwa kurudyi naVaConstantino Chiwenga

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabva kuzororo nhasi kuzogamuchidzwa gwaro rekuganhurwa kwemiganhu munzvimbo dzekuvhotera kana kuti Preliminary Delimitation Report kubva kuna sachigaro webazi rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

Muchiziviso chavaita kuburikidza nedandemutande reTwitter mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vazivisa kuti sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vatambidza VaMnangagwa gwaro iri kumuzinda wavo weState House muHarare.

VaCharamba vabva vazivisawo kuti VaMnangagwa vachaendesa gwaro iri kuparamende uko kwari chanozeyewa mukati memazuva gumi nemana.

Vachitaura mushure mekuzvitsa gwaro iri kumutungamiri wenyika Amai Chigumba vati donzvo ravo ranga riri rekupa VaMnangagwa gwaro iri zviri pamutemo.

Amai Chigumba vanoti gwaro iri ranga richifanira kupihwa kune mutungamiri wenyika chete izvo zvaita kuti VaMnangagwa vambodzoka kubva pazororo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemutemo uye vari mukuru webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly-NCA- Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti hapana chikonzero chekuti VaMnangagwa vadzoke kubva kuzororo sezvo vakasiya mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga avo vanga vari pachiitiko chanhasi vakambobata matomu.

VaMadhuku vanofunga kuti kumhanyamhanya uku kuri kuitwa kuti vakwanise kupasisa gwaro iri paine mwedzi mitanhatu pasati paitwa sarudzo sezvinodiwa nemutemo.

Vatiwo gwaro ranyorwa naVaCharamba harisi kutaura chokwadi kuti panodiwa mazuva ebasa manomwe kuti VaMnangagwa vaendese gwaro iri kuparamemnde vachiti mutemo unongoti mazuva manomwe zvisinei kuti pazororo here kana kuti Mugovera kana Svondo.

Mutauriri werimwe sangano rinopikisa reLabour Economists and African Democrats-LEAD-Muzvare Everjoy Chidindi vanoshora zvavanoti kusajeka kwekufambiswa kwegwaro iri neZEC.

Kuganhurwa kwenzvimbo kana kuti delimitation kwakatanga musi wa 1 Chikumi 2022 uye kwanga kuchipera musi wa31 Zvita gore rino nekutambidzwa kwegwaro iri kumutungamiri wenyika.

Mutungamiri wenyika achazeya gwaro iri kwemazuva manomwe ori pfuudza kuparamende uko richanozeyiwa kwemazuva gumi nemana.

Kana paramende paine zvainoda kuti zvigadziriswe inonyorera mutungamiri wenyika uyo anoona kuti zvine musoro here asati apa ZEC kuti izvigamuchire.

Dzimwe nyanzvi dzezvemutemo dzinoti VaMnangagwa vanogona kuendesa gwaro iri kuparamende chero yakavhara chinongodikanwa kugamuchirwa kwegwaro nevashandi veparamende mukati memazuva manomwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG