Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Hurumende Yave Kudzora Mitemo yeRhodesia Ichiti Iri Kuda Kuomesera Vanofukura Hapwa


Va Tendai Biti

Vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu vari kushora hurumende nekuramba ichidzika mitemo yavanoti iri kudzorera nyika kuhutongo hwakafanana nehweRhodesia.

Izvi zvinotevera danho rehurumemde rekuburitsa mubepanhau rayo reGovernment Gazette bhiri rekuvandudza mutemo weCriminal Law Codification Bill ichiti vose vanenge vabatwa nemhosva dzinonzi dzekutengesa nyika nekufukura hapwa vatorerwe hugaro hwemunyika kana kuti citizenship.

Vanhu vanenge vabatwa nemhosva vanorambidzwawo kuvhota nekukwikwidza musarudzo kwemakore mashanu. Asi vachitaura neStudio 7, mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vati hapana chakaipa pamutemo uyu sezvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tisina kusimbira divi rimwe setsvimbo, tabatawo mumwe akafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato reCitizns Coalition for Change VaTendai Biti vati mitemo iyi inodzvinyirira vanhu uye haitarisirwe munyika mune hutongo hwejekerere vachiti zvinoitwa nehurumende dzine hudzvinyiriri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG