Accessibility links

Breaking News

Pope Vokurudzira vezveMatongerwo eNyika Kutenga Chikafu Kwete Zvombo zveHondo


Pope Francis
Pope Francis

Pope Francis nhasi vakurudzira kuti hondo yavanoti haina nematuro ose kuUKraine imire. Vataura izvi mumashoko avo epazuva reKisimusi kuvatendi kuSt Peter's Basilica kuVatican.

Pope Francis vanove mukuru wekereke yeRoman Catholic vatiwo hondo yekuUkraine iyi yave kukonzera kushomeka kwechikafu pasi rose. Vatiwo chikafu chachifanire kushandiswa sechombo chehondo.

Kubva zvakatanga Russia kurwisa Ukraine muna Kukadzi, Pope Francis vagara vachikurudzira runyararo. Vaenderera mberi vachipawo muenzaniso wedzimwe nyika dzisina kugadzikana dzakaita seAfghanistan, Yemen, Syria, Myanmar, kunetsana kweIsraeli nePalestinia, Lebanon neHaiti. P

ope vashorawo yaya yekutenga zvombo zvehondo vanhu vachiyaura nenzara. Vati vanhu zvikuru vezvematongero enyika vanofanira kudzidza kubva kuna Jesu Mambo weRugare kuti vazvipir kuwanisa vanhu zvekudya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG