Nhepfenyuro dzeReuters neAP dzinoti vanhu vanogona kusvika gumi vakafa nezuro vamwe vanodarika makumi mana vakakuvara mushure mekunge rimwe rori rainge rakatakura mafuta ekufambisa dzimotokari kana kuti "liquid petroleum gas" rapurika muSouth Africa nezuro.
Huwandu uhu huri kutarisirwa kukwira sezvo paine vamwe vanhu gumi nevapfumbamwe vakakuvara zvakaipisisa. Izvi zvakaitika kuBoksburg, kumabvazuva kweJohannesburg, mamita zana kubva pachipatara cheTambo Memorial Hospital.
Denga rechipatara ichi rakbva radonha zvakapa kuti varwere vaendeswe kune mamwe makamuri.
Rori iri rinonzi rakatadza kudarika pasi pezambuko sezvo rainge rakakurisa zvakazopa kuti kumanikidzira kwaraioedza kuite kupe kuti ribve raputika.
Facebook Forum