Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuferefeta Huwori Hunonzi neHerald Huri Kuitwa neMakanzura eCCC muGuta reHarare, Uho Makanzura aya Anoti Manyepo


Makanzura eguta reHarare anonzi ari kuita huwori pakutengeserana nzvimbo dzekuvakira dzimba nemabhizimusi.
Makanzura eguta reHarare anonzi ari kuita huwori pakutengeserana nzvimbo dzekuvakira dzimba nemabhizimusi.

Hurumende inoti yave kuferefeta huwori hunonzi huri kuitwa nemakanzura ebato reCitizens’ Coalition for Change mukanzuru yeguta reHarare pakutengeserana nzvimbo dzekuvakira dzimba pamwe nemabhizimusi.

Izvi zvinotevera nyaya yaburitswa nebepanhau reThe Herald yekuti makanzura aya ari kutengeserana nzvimbo dzekuvakira nemari iri pasi kwazvo zvekusvika kumadhora makumi matanhatu panzvimbo yekuvakira imba, kuchitiwo nzvimbo dzekuvakira mabhizimusi dzichinzi dziri kutengeswa nemari inosvika kumadhora ekuAmerica zviuru zvitanhatu chete.

Bepanhau iri rinoti vamwe vevanenge vatenga nzvimbo idzi nemari dziri pasi kudai vari kuzodzitengesa nemari dzinodarika madhora emuAmerica zviuru zana, kana kuti US$100,000.00, dzinove mari dziri pamusororo zvakanyanya.

Munyori anoona nezvedunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti vanoti sedunhu reHarare vanga vari kutambura nekuti vaone kuti zviri kufamba seinenyaya yenzvimbo dzekuvakira, vachiti madafanha mazhinji atengeswa muHarare.

VaMuguti vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vanhu vanenge vatengeserwa ava vanenge vaine magwaro anobva kukanzuru yeHarare asi vasina mapepa anobva kuEnvironmental Management Authority, kana kuti EMA, izvo zvinoratidza kuti panenge pasina kutevedzerwa gwara rinofanirwa kuteverwa.

"Isu sehurumende we are going to do ma investigations edu, toongorora kuti land iri kutengeswa sei? Kana tichinge taongorora tinovimbisa veruzhinji kuti ma councillors nema officials ari involved mukati me corruption iyi vachasungwa.

VaMuguti vatiwo hurumende yakapindira pakugoverwa kwenzvimbo dzekutengesera dzemusika weMupedzanhao mushure mekunge yaona kuti zvakanga zvave kupindirwa nemapato ezvematongerwo enyika uye zvaiitwa nehuwori.

Vanoti veruzhinji vanofanirwa kutarisira kuvhurwa kwemusika uyu munguva pfupi inotevera.

Hurukuro naVaTafadzwa Muguti
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mumwe wemakanzura adomwa nemazita munyaya yaburitswa nebepanhau reThe Herald vari kanzura veWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore vebato reCCC, vanoti aya manyepo akanangana nekuda kuti vagari vamukire kanzuru yavo.

VaNgadziore vanoti Kanzuru yeHarare inoshandisa mitemo inonzi "Policy of Any Nature" iyo inopa kuvagari.

Vanoti mutemo unopiwa kuvagari uyu ndiwo zvakare unoshanda pamakanzura pamwe nevakuru mukanzuru, nekudaro hapana tsvete yavanopiwa.

"Zvakare pane inonzi ministerial directive yakapiwa ne Ministry of Local Government inogavhena kuti kanzura anowana sei residential, anowana sei industrial. So proccess iyoyo ndiyo inoshandiswa," vanodaro VaNgadziore.

Vanoti vazhinji vavo vari kupiwa mukana wekushandisa nzvimbo idzi vachibhadhara mari kukanzuru pamwe dzi kwemakore mashanu kana kuti lease, uye hakuna anobvumidzwa kutengesa sitendi inenge iri pasi pechibvumirano ichi.

Hurukuro naVaDenford Ngadziore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG