Accessibility links

Breaking News

Vagari veMaguta neMadhorobha eMunyika Votya Kuti Vachatamba Kisimusi Vasina Magetsi neMvura


Mugari wemuguta reMasvingo Amai Hilda Sibanda, vanoti Kisimusi ichanganiswa nekushaikwa kwemagetsi nemvura.

Vagari vemumadhorobha vakawanda vari kutamba kisimusi nemusi weSvondo zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Kunze kwekudhura kwezvinhu, nyika yakatarisana nedambudziko guru rekudzimwa kwemagesti uye kushomeka kwemvura yekunwa.

Mumwe mugari wemuMasvingo, Amai Hilda Sibanda vati matambudziko akaita sekushaikwa kwemagetsi nemvura apa kuti mumba mavo mushaye mufaro.

Mashoko aya atsnhirwawo nevanooa nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagary reCombined Harare Residents Association (CHRA), VaRuben Akili vati pasina magetsi hapanao mimhanzi inodikanwa pamhemberero dzakaita seKisimusi.

Mumwe mugari wemumusha weAscot kuGweru VaCharles Mazorodze vati dambudziko remvura riri kukonzerwa nekudzimwa kwemagetsi richaita kuti vanhu vapedze zuva iri vari kuzvibhorani kana kumatsime.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reBikita Residents and Rate Payers Association, VaMark Mutengeni vanoti nyika yose chero kumaruwa kunoda magetsi nemvura kuti kisimusi itambike zvakanaka.

Mutauriri wesangano revagari reBikita Residents Association, VaMark Mutengani.
Mutauriri wesangano revagari reBikita Residents Association, VaMark Mutengani.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke vanoti dhorobha ravo pamwe nemamwe maguta ari kuzama kutaura neZESA kuti isadzime magetsi kuonopombwa mvura.

Mutauriri weZESA munyika Dr George Manyaya vat nyika yose yakatarisana neambudziko remagetsi asi vati makanzuru haasati asvitsa chikumbiro chekuti kunogayiwa mvvura kusadzimwe magetsi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezve mhando dzemoto munyika, VaSoda Zhemu sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vakaudza vatori venhaukuti vanotarisira kuti musi wekismusi magetsi anenge ariko munyika kuti vanhu vafare.

ZESA iri kutadziswa kuwanisa nyika magetsi nekuda kwekushomeka kwemvura mudhamu reKariba uye kukundikana kwehurumende kugadzira magwenya emagetsi matsva munyika.

Kukwereta magetsi kune dzimwe nyika kuti kunetsawo sezvo ZESA iri kutatarika kubhadhara zvikwereti.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG