Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki, Tytance, Osimudza Mureza weDhorobha Duku reMashava Kuburikidza neMusambo weZim Dancehall Waanoimba


Muimbi ari kusimukira, Benson Machanga, anozivikanwa nerekuti Tytance
Muimbi ari kusimukira, Benson Machanga, anozivikanwa nerekuti Tytance

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tinokupai muimbi wechidiki achiri kusimukira, Benson Machanga, anozivikanwa neremagitare rekuti Tytance,uyo anobva kuMashava.

Benson Machanga, anozivikanwa nerekuti Tytance.
Benson Machanga, anozivikanwa nerekuti Tytance.

Benson akazvarirwa nekukurira kuMashava kunova kwaakaitawo zvidzidzo zvake zvepraimari ne sekendari.

Muimbi uyu anoti akatanga kuita zvemimhanzi achiri mwana wechikoro, izvo zvairambwa nevabereki vake pamwe nemadzikoma ake.

Anoti vabereki vake vaida kuti atange apedza chikoro asati apinda mune zvemagitare.

Tytance anoti mamwe ematambudziko aanosangana nawo murwendo rwemagitare kushaiwa mari dzinokwana dzekutsikisa mimhanzi yake uye kuitisa mavhidhuyo akanaka anogona kuzofarirwa nevateereri vakawanda.

Benson Machanga aka TYTANCE Video
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Benson anoti dambarefu rake idzva rine nziyo gumi nembiri kana kuti 12 rinonzi HOPE, akarinyora nechinangwa chekuti asimudzirewo vamwe neveruzhinji pamweya kuti vasarase tariro muhupenyu.

Anoti mimhanzi yake inowanikwa pamadandemutande anoti reFacebook,Youtube neInstagram pasi pezita rekuti TytanceCrits, iro raanoshandisa mumimhanzi.

Hurukuro na Benson Machanga aka Tytance Crits- Woza Friday
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG