Accessibility links

Breaking News

Vemabhizimusi Madiki Vochema neKusafamba kweBhizimusi seZvavanga Vakatarisira paNguva Ino yeZororo reKisimusi


Muridzi wechitoro chidiki chinotengesa mbatya muHarare, Muzvare Patricia Ticharwa.
Muridzi wechitoro chidiki chinotengesa mbatya muHarare, Muzvare Patricia Ticharwa.

Apo kwasara zuva rimwechete kuti vanhu vapinde muzororo reKisimusi, vemamwe mabhizimusi madiki pamwe nevanotengesera mumigwagwa vanoti bhizimusi harina kusimuka gore rino sezvinotarisirwa panguva yezororo rakadai .

Mumwe wevari kuchema-chema nekuderera kwebhizimusi ndiMuzvare Patricia Ticharwa vane chitoro chinotengesa mbatya mudhorobha.

Muzvare Ticharwa vati sezvo gore rino zvinhu zvanga zvisinganyatsofamba vanga vane tarisiro yekuti kana vanhu vogadzirira Kisimusi zvinhu zvichachinja.

Amai Benhilda Konje, avo vane vana vatatu, vanotengeserawo mumusha weGlenview, vatsigirawo vachiti veruzhinji vari kuratidza kuti havana mari uye havasi kutengerwa sezvavange vachitarisira.

Amai Jane Sanhuwe
Amai Jane Sanhuwe

Amai Jane Sanhuwe, mumwe mutengesi vatiwo kushaikwa kwemari kuchakanganisawo zvirongwa zvavo zvekugadzirira vana pakuvhurwa kwezvikoro.

Vanoongorora zvehupfumi, VaMasimba Manyanya, vati kuderera kwebhizimusi panguva ino hakukatyamadzi vachiti vanhu vari kutambira mari shoma dzisingakwani.

Vaendererawo mberi vachiti mari haisi kutenderera munyika sezvo zvinhu zvinogadzirwa munyika zviri zvishoma izvo zvoitawo kuti vanokwanisa vanoshandisira mari dzavo kunze kwenyika.

Vamwewo ndivo vari kuchengetedza mari dzavainadzo kuitira kuzobhadharira vana zvikoro gore rinouya, sezvo zvikoro zvakawanda zvemunyika zvakatozivisa kare kuti zvichakwidza mari dzechikoro gore rinouya.

Gore rino Kisimusi ichange ichicherechedzwa musi weSvondo asi vazhinji vachichemachema nekuoma kwezvinhu munyika.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG