Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF, VaMnangagwa, Vanodoma Nhengo dzePolitiburo Vachidzosa Vazhinji neVashoma Vakambenge Vaita seVaraswa neBato Iri


Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma nhengo dzekomiti yepamusorosoro mubato ravo, kana kuti Politburo, vachidzosa nhengo zhinji dzanga dzagara dziri mukomiti iyi uyewo kudoma vamwe vanhu vashomanana vakanga vamboita sevaraswa nebato iri kuti vapindewo mukomiti iyi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo dzinoti zvaitwa naVaMnangagwa izvi kuedza kubatanidza bato ravo pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

VaMnangagwa vadzosa vazhinji vagara vari mukomiti iyi, kusanganisira mudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangagwa, kuti vave nhengo dzePolitburo kwemakore mashanu ari kutevera zvichitevera kongiresi yechinomwe yakaitwa nebato iri masvondo mashoma adarika.

Pakaitwa kongiresi iyi, VaMnangagwa vakabva vadoma vatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi pamwe nasachigaro webato, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, pazvigaro zvavainazvo zvakabva zvangovaita nhengo dzePolitburo dzizere pachitevedzerwa zviri mubumbiro reZanu PF.

VaObert Mpofu vadzoswa pachigaro chavagara vanacho chemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato uye Amai Mabel Chinomona vadzoswawo pachigaro chavo chemunyori anoona nezvemadzimai, uku VaTino Machakaire vachiitwa munyori anoona nezvevechidiki.

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, ndivo vadomwa kuve munyori wezvemitemo vachitsiva VaPaul Mangwana avo vaitwa munyori wezvemigodhi.

VaChristopher Mutsvangwa vadzoswa kuitwa mutauriri webato uye vachange vachitevedzerwa naAmai Chido Sanyatwe.

Dzimwe nhengo dzePolitburo yeZanu PF
Dzimwe nhengo dzePolitburo yeZanu PF

VaMnangagwa vadomawo vamwe vanhu vanga vave kumahombekombe kwezvematongerwo enyika vakaita saVaWebster Shamu, avo vaifungidzirwa kuti vaitsigira Amai Joice Mujuru panguva iyo VaMnangagwa vaikwikwidzana naAmai Mujuru kuti vatore matomhu kubva kune vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mumwe adomwa ndaVaSupa Mandiwanzira, avo vanofungidzirwa kuti vaive kuchikwata cheG40 icho chaitsigira Amai Grace Mugabe kuti vatore matomhu kubva kumurume wavo hurumende yaVaMugabe isati yapidigurwa nemauto.

VaShamu vaitwa mutevedzeri wemurongi wemisangano kana kuti deputy political commissar, VaJames Makamba, avo vakarambidzwa kukwikwidza pachaigaro chasachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland Central vakaitwa mutevedzeri wemunyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu. VaMandiwanzira vaitwa munyori anoona nezvematunhu.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Mgijima, vaudza Studio 7 vari kuChinhoyi kuti zvaitwa naVaMnangagwa izvi keudza kubatanidza bato ravo pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Asi mumwe anoongorora zvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati kudomwa kwaVaShamu kunoratidza kuti munhu ane hushingi.

Pasi pebumbiro remitemo reZanu PF, mutungamiri webato ane simba rekubvisa vanhu vaanenge adoma kuva mukomiti iyi paanenge adira uye vadomwa ava vachange vari pazvigaro izvi kwemakore mashanu ari kutevera pachazoitwa imwe kongiresi yabato iri.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG