Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoendeswa kuMatare neKurambidza Kuti Firimu raVaChamisa Riratidzwe muZimbabwe


VaNelson Chamisa

Imwe kambani yekuDenmark yaendesa hurumende kudare repamusoro munyika ichiti hurumende imiswe kurambidza kwairi kuita kuti firimu rakaitwa nekambani iyi ichitevera VaNelson Chamisa musarudzo dzemuna 2018 rionekwe muZimbabwe.

Kambani yekuDenmark yeFinal Cut For Real inoti haisi kufara nekurambidzwa kwayakaitwa nebhodhi rinoona kuti zvinobuditswa kune veruzhinji zvinokodzera here kana kuti kwete, reCensorship and Entertainment Control Unit, kuti firimu rayo rayakaita ichitevera vakakwikwidza pasarudzo ddzekutsvaga mutungamiri wenyika vakamirira MDC Alliance VaNelson Chamisa rinonzi “President” rionekwe muZimbabwe.

Bhodhi iri rakaramba kuti firimu iri rionekwe munyika richiti zviri mufirimu iri zvaizokurudzira kuti munyika muitwe mhirizhonga pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Gweta rekambani yeFinal Cut For Real, VaChris Mhike, vaudza Studio 7 kuti vakakwidza nyaya iyi kudare repamusoro svondo rino mushure mekunge dare reAppeal Board riri mubazi rinoona nezvinoitika mukati menyika raramba rakagarira nyaya iyi. Vaendeswa kudare repamusoro nekamani iyi igurukota rinoona nezvinoitika munyika pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende.

VaMhike vatic kurambidza veruzhinji kuona firimu iri kunotyora bambino remitemo yenyika.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe, VaTabani Moyo, vati (waiting for audio) may switch to Golden Maunganidze whoever sends first

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato idzva reCitizens Coailtion for Change iro rave kutungamirwa naVaNelson Chamisa, Muzvare Fadzayi Mahere, vati havaone chingatadzise firimu iri kuti rionekwe neveruzhinji.

Hatina kukwanisa kubatawo veZanu PF kuti tinzwewo pfungwa dzavo. Asi gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, vaudza Studio 7 parunhare kuti havana chavanokwanisa kutaura parizvino sezvo nyaya iyi yave kumatare edzimhosva.

Vakatungamira kugadzirwa kwefirimu iri, Muzvare Camilla Neilson, vaudza Studio 7 vari kuCopenhagen kuDenmark, kuti zvinoshamisa kuti hurumende yeZimbabwe iri kurambidza kuti firimu iri rionekwe muZimbabwe ivo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti pachave neshanduko munyaya dzekuburitswa kwemashoko pavakatora matomhu kubva kune vave mushakabvu VaRobert Mugabe.

Firimu rinonzi “President” iri raitarisawo zvaiitwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa richizvienzanisa nezvaiitwa naVaChamisa. Firimu iri rakahwinha mubayiro weWorld Cinema Documentary Jury Award ku Sundance muna Ndira gore rino.

Muzvare Neilson vakaitawo rimwe firimu muZimbabwe rakaita mukurumibira rinonzi “Democrats” raitarisa kugadzirwa kwakaitwa bumbiro idzva remitemo yenyika muna 2013.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG