Mutungamiri wenyika yeUkraine vaVolodymyr Zelenskyy nezuro vakataura pamberi pedare reparamende reCongress muAmerica mushure mekuita musangano nemutungamiri wenyika iyi VaJoe Biden.
VaZelenskyy vari kukumbira America kuti irambe ichibatsira nyika yavo nezvombo nemari muhondo yavo neRussia yakatanga muna Kukadzi.
VaZelenskyy vakaita musangano naVaBiden kuWhite House muchiitiko chiri kuonekwa senzira yekuzivisa mutungamiri weRussia VaVladimir Putin kuti America icharamba ichitsigira Ukraine zvakasimba muhondo iyi.
VaBiden vakati kunyangwe hazvo VaPutin vari kubhomba magwenya emagetsi munguva yechando vanhu vachitonhorwa muUkraine, vanhu vemunyika iyi vari kuramba vakamira semusambangwena.
America yakabva yazivisa VaZelenskyy vachangosvika kuti iri kupa nyika iyi mari inodarika bhiriyoni imwe chete yekuzvidzivirira kusanganisira zvombo zvinonzi zvekuzvichengetedza nemuchadenga kana kuti Patriot Defense System.
Russia inoti kupa Ukraine zvombo izvi kuda kuisvokosva.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muzvinafundo Chipo Dendere vanoti kushanya kwaVaZelenskyy kwakakosha sezvo zvizvarwa zveAmerica zvichida kunyatsonzwa kubva kuna mbune kuti rubatsiro rwuru kupihwa nyika iyi nenyika yavo rwuri kushandiswa seyi.
Facebook Forum