Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vopesana Maonero paKukosha kweZuva reUnity Day


Vaive mutungamiri weZanu (PF) VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri wePF Zapu, VaJoshua Nkomo
Vaive mutungamiri weZanu (PF) VaRobert Mugabe nevaive mutungamiri wePF Zapu, VaJoshua Nkomo

Vanoongorora zvematongerwo enyika vane maonero akasiyana pakukosha kwezuva remusi wa 22 Zvita, rekubatana kwemapato maviri aipikisana munyika, reUnity Day, vamwe vachiti izuva rakakosha zvikuru munhoroondo yenyika, asi vamwe vachiti harichamirira zvarakatarirwa.

Vanoongora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti zuva iri richakakosha nekuda kwekuti mapato ezvematongerwo enyika maviri makuru aive makara asionane eZapu neZanu (PF) akanyorerana chibvumirano cherunyararo muna 1987, icho vanoti chakaunza runyararo rwakakosha munyika rwuchiri kucherechedzwa nekupembedzwa nevakawanda nanhasi.

Kubatana kwemapato maviri aya ndiko kwakaumba bato reZanu PF riripo nhasi.

VaChirumhanzu vanoti chibvumirano ichi ndicho chakamisa kusagadzikana kwakanga kwabata matunhu eMatabeleland neMidlands, uko kunonzi nevamwe kwakasiya vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vafa.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zuva iri harichina zvarinoreva nekuda kwekuti hurumende yeZanu PF haina kusiya katsika kayo kemhirizhonga nekutonga nedemo.

Doctor Zembe vanoti hurumende iri kuramba ichityora kodzero dzevanhu, kumbunyikidza vemapato anopikisa uye kushandisa matare kunyaradza vainofunga kuti vanoipikisa, vachipa muenzaniso wenhengo yebato reCitizens' Coalition for Change, VaJob Sikhala, avo vavanoti vari mutirongo zviri kunze kwemutemo.

Muna 2020 bato reZapu, iro rinoti rakabuda muchibvumirano ichi, rakati rakakanganisa zvikuru kupinda mugudza rimwechete neZanu (PF).

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naDoctor Urayayi Zembe
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG