Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoparura Chirongwa Chekubatsira Vanoshandisa Zvinodhaka Pachena


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzaparura chirongwa chekuongorora pachena zvinodhaka mumiviri memunhu kuyedza kupedza dambudziko ratekeshera munyika rekushandiswa kwezvinodhaka.

Chirongwa ichi chinonzi Abused Substances Diagnostics & Manangement Project chichapa vanhu zvikwanisiro kana kuti (test kits) ekuona mhando yezvinodhaka zvinenge zvashandiswa.

Vachitaura pachiitiko ichi, vaFanwell Dzoma vanoshanda kubazi rinoona nezvevashandi uye vataura vakamiririra mushandirapamwe wemapazi ehurumende mukuedza kupedza dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka kana kuti Inter-ministerial Taskforce on Drug and Substance Abuse varumbidza zvikuru chirongwa chaparurwa ichi.

VaDzoma vati ongororo yakaitwa munyika irikuratidza kuti zvikamu zvinodarika makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvevechidiki chirikushandisa zvinodhaka.

Vachange vachitungamirira chirongwa ichi, nyanzvi munezvehutano uye vari mukuru weDepartment of Chemical Pathology paUniversity of Zimbabwe School of Medicine, Muzvinafundo Hilda Matarira vati chakanakira chirongwa ichi ndechekuti munhu anozviongorora ega.

VaJacob Shamuyarira, avo vakamboshandisawo zvinodhaka vakazovamba sangano rakazvimiririra rinonzi Pamumvuri rinobatsirawo vanoshandisa zvinodhaka varumbidzawo chirongwa ichi.

Muzvare Chengeto Nyanzira vanoshanda nekambani yeFaStep inova kambani ichange ichiwanisa zvekuongoreresa zvinodhaka izvi vati vanhu vachazviongorora vachishandisa weti yavo.

Pasi pechirongwa ichi pachaitwawo dzidziso yekukurudzira vanhu kuti vasashandise zvinodhaka izvio zvinozokanganisa hupenyu hwavo vamwe vachifa kana kupenga. Masangano akasiyana siyana abatana muchirongwa ichi anosanganisira hurumende, University of Zimbabwe Health Sciences, Zimbabwe College of Pathology, FaStep, Pamumvuri nemamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG