Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanogona Kupedza Kisimusi Vari Mujeri Dare Richiramba Kuti Vatongwe vachibva Kumba


Job Sikhala
Job Sikhala

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaSamuel Deme nhasi vambomira kupa mutongo wavo pachikumbiro chemumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Mutongi haana kuzivisa kuti achapa mutongo wake rini.

Aka ndekechina VaSikhala vachienda kudare repamusoro kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso uye vaita zvikumbiro gumi nechimwe kudare ramejastiriti nerepamusoro asi vachinyimwa mukana uyu.

VaSikhala vakasungwa musi wa 14 Chikunguru vachipomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga mushure mekupmbwa nekupondwa kwenhengo yeCitizens Coalition for Change Muzvare Moreblessing Ali. Bato reCCC riri kushora kusungwa kwaVaSikhala richiti bato reZanu-PF nehurumende vari kupindira vachiudza matare zvekuita.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vari kuti matare akazvimirira. Gweta raVaSikhala, Advocate Thabani Mpofu vaudza dare kut mukana wekubvisa mari yechibatiso ikodzero iri mubumbiro remutemo sezvo munhu anenge asati abatwa nemhosva.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoti kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso ikodzero iri mubumbiro remutemo.

Hurukuro naVaKennedy Masiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG