Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMari dzeMabhazi Kotadzisa Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Kudzokera Kumusha kuZororo reKisimusi


Vemabhazi vanonzi vakakwidza mari dzinobhadharwa nevanhu kubva kuSouth Africa kupinda muHarare.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuedza kudzokera kumusha kunopedza zororo reKisimusi negoredzva zviri pamwechete nehama neshamwari, zvinoti zviri kusangana nedambudziko rekudhura kwemari dzekubhadhara kumabhazi, izvo zvinonzi nevamwe zvavatadzisa kufamba.

Vemabhazi vanonzi vakakwidza muripo munguva ino yezororo, vane magwaro ekufambisa vachinzi vari kubhadhariswa marandi chiuru nemazana mashanu, kana kuti R1,500.00, kuchiti vasina magwaro vachibhadhariswa marandi chiuru nemazana mapfumbamwe, kana kuti R1,900.00.

Vemabhazi nevedzimotokari vanonziwo vari kubhadharisa mari dzakawanda kune vanenge vaine mitoro inoda kuendeswa kumusha.

Mumwe mushandi weimwe kambani yemabhazi ari kutakura vanhu kubva kuSouth Africa, yeDivine Luxury Coaches asina kuda kudomwa nezita aramba kuti kambani yake iri kubhadharisa vanhu mari dzakawanda, achiti zvisineyi kuti munhu ane magwaro ekufambisa here kana kuti kwete.

Mushandi uyu ati kukambani kwake vanhu vari kubhadhara marandi chiuru nemazana matatu, R1300.00 kubva muJohannesburg kusvika kuHarare, zvisineyi kuti munhu ane magwaro here kana kuti kwete.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross-Border Traders Association, VaDennis Juru
Mutungamiri wesangano reInternational Cross-Border Traders Association, VaDennis Juru

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesera kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, VaDennis Juru, vanoti sesangano vari kukurudzira veruzhinji kuti vashandise mabhazi kunyange vasina magwaro ekufambisa, kwete kuti vaite zvekusvetuka muganhu zviri kunze kwemutemo.

VaJuru vanoti dambudziko riri pakusvetuka muganhu nderekuti vamwe vanopedzisira vaeredzwa nemvura murwizi Limpopo kana kubirwa zvinhu zvavanenge vachienda nazvo kumusha.

Vanotiwo sangano ravo rine nhengo dzaro dziri mumiganhu yose yenyika dzakamirira kubatsira veruzhinji vanenge vachida rubatsiro, vachiti nhengo dzavo dzinenge dzakapfeka zvipfeko zvinooneka uye zvakanyorwa.

Hurukuro naVaDennis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG