Accessibility links

Breaking News

VaZelenskyy Voshanyira America Nhasi


Mutungamiri wenyika yeUkraine VaVolodymyr Zelenskyy vari kutarisirwa kushanyira America nhasi vachiita musangano nemutungamiri wenyika iyi VaJoe Biden.

VaZelenskyy vari kutarisirwawo kutaura pamberi pematare eSenate neHouse of Representatives akabatana. Aka ndekekutanga Zelenskyy vachibuda munyika mavo kubva muna Kukadzi pakatanga kurwiswa nyika yavo neRussia.

VaZelenskyy vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vari munzira kuenda kuWashington DC.

Mumwe mukuru muhurumende yeAmerica ati VaZelenskyy vakakokwa naVaBiden kuti vaite musangano navo, nezvipangamazano zvavo munyaya dzekudzivirirwa kwenyika uye dare remakurukota.

Nemusi weChipiri vasati vasimuka kuuya kuAmerica, Zelenskyy vakaenda kuBakhmut iko kunzoni kune kurwisana kunotyisa pakati pemauto avo neRussia. Vakuru muhurumende yeAmerica vanoti VaBiden vari kutarisirwa kuzivisa kuti vachapa Ukraine zvombo zvekuzvidzivirira nemuchadenga kana kuti "Patriot missile batteries."

Mutauriri wehurumende yeRussia VaDmitry Peskov vaudza vatori venhau muRussia kuti kupa Ukraine zvombo iyi kuchapa kuti kupedza hondo kunetse.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG