Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haina Mari Yekuti Mapazi Ayo Aite Basa Rawo Zvakanaka Gore Rinouya


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakaudza paramende kuti hurumende haina mari yekuti mapazi ayo ose afambise mabasa awo gore rinouya.

VaNcube vakataura izvi kupera kwesvondo mushure mekunge nhengo dzeparamende dzaratidza kunyunyuta dzichiti mamwe mapazi ehurumende ari kupiwa mari isingakwani kuti aite basa rawo mubhajeti regore rinouya.

Izvi zvinotevera kupa kwehurumende mamirioni nemamirioni emadhora eku America ku makurukota ehurumende nenhengo dzeparamende. Hurumende inoti mari iyi inotarisirwa kudzorerwa muhomwe yehurumende. Ongororo dzakaitwa neparamende pamusoro pebhajeti regore rinouya dzakaratidza kuti mapazi ehurumende haana kupiwa migove yakakwana kuti akwanise kuita basa rawo.

Asizve nemusi weChishanu chapfuura, VaMthuli Ncube vakaudza nhengo dzeparamende kuti hurumende yaisa parutivi mari inoita mamirioni makumi matanhatu emadhora eku America (US $60 million) nemabhirioni mazhinji emari yemunyika kuti ishandiswe nemapurisa gore rinouya, ra2023. VaNcube vakati hurumende inoita izvi nekuti mapurisa nemauto anofanirwa kutsigirwa.

Vamwe vanopikisa vanoti hurumende iri kugadzirira mapurisa nemauto kuti akonzere mhirizhonga panguva yesarudzo dzichaitwa gore rinouya. Asi makurukota ezvekudzivirirwa kwenyika nemukati menyika agara achiti mari yavari kupihwa ishoma zvinopakuti zvinetse kchengetedza runyararo.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Amai Chenayi Mutambasere, vanoti hazvivashamisi kunzwa VaMthuli Ncube vachiti hurumende haina mari sezvo mari shoma iripo ichishandiswa mukunyaradza nekufadza mauto nemapurisa pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Vatiwo imwe mai isiri mubhajeti iri kushandiswa kunyaradzawo nhengo dzeparamende, kutengeravo madzishe motikari asi zvipatara zvisina mishonga uye vashandi vehurumende vasingapiwi mihoro yakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG