Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuti Isabate Mutero paMari Inotambirwa neVashandi iri Pasi pePoverty Datum Line


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vari muparamende.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vari muparamende.

Vashandi pamwe nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi vari kutambira zvakasiyanasiyana hurongwa hwakaziviswa svondo rapera negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, hwekuti hurumende yakakwidza mari isingabatwe mutero kubva paZWL$75 000.00 pamwedzi kuenda paZWL$91 700.00 pamwedzi, kana kuti kubva paZWL$900 000.00 kuenda paZWL$1.1 million pagore.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti iri idanho rakanakira vashandi chose, kunyange hazvo sesangano, vakanga vakurudzira Muzvinafundo Ncube kuti vashandi vanotambira mari iri pasi pemihoro yepasi pasi, kana kuti minimum wage, vasabatirwa mitero.

Munyori mukuru wemubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions (ZCPSTU) VaDavid Dzatsunga, vanoti sevashandi vanotambira chero danho rinotorwa nemushandirwi rekuona kuti mushandi asara aine mari muhomwe dzake.

Asi VaDzatsunga vanoti sevashandi vehurumende havasi kufadzwa nekudzikira kwakaita mihoro yavo zvekuti vanototadza kubhadhara mitero sevamwe vashandi.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti sesangano vanga vachitarisira kuti mari isingabatirwe mushandi mutero inge iri pasi peinodiwa nemhuri yevanhu vashanu pamwedzi kuti irarame, kana kuti pasi pePoverty Datum Line.

VaMoyo vanoti pamire sangano ravo ndepekuti mari isingakwanise kuchengeta mhuri haifanirwe kunge ichibatirwa mutero.

Ukuwo, Doctor Chitambara vanodzoka vachiti kusara kunoita vashandi vaine mari muhomwe dzavo kunoita kuti vaende kunotenga zvinhu kuzvitoro uko hurumende inozowana zvakare mari yakawanda kubva kune mimwe mitero yakaita seValue Added Tax, kana kuti VAT.

Muna Gumiguru munhu mumwechete anonzi aida mari inoita ZWL$$28 144.00 pamwedzi kuti ararame, zvichireva kuti mhuri ine vanhu vashanu yaida mari inoita ZWL$140 720.00 pamwedzi kuti irarame.

Asi vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti nekuda kwekukwira kunomboita inflation munyika, mari iyi painozotambirwa nevashandi gore rinouya inogona kunge isisina simba zvekuti inenge yangove yechirango.

Muzvinafundo Ncube vakaudza paramende svondo rapera kuti hurumende yave kukwidza mari isingabatirwe mutero iyi mushure mekunge nhengo dzeparamende dzachema chema kwavari kuti vaone zvekuita sezvo vashandi vakanga vasisina chekusara nacho mushure mekubatirwa mitero.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG