Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votambira Chibvumirano Pakufamba kweZvitima Pakati peZimbabwe neBotswana


NRZ
NRZ

Zvizvarwa zvemuZimbabwe neBotswana zviri kutambira nemufaro chubvumirano chakanyoreranwa pakati penyika mbiri idzi chekudyidzana panyaya dzezvitima chinonzi “Through Working Agreement.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa neMuvhuro pakati peNational Railways of Zimbabwe kana kuti NRZ neBotswana Railways chichaona zvitima chekuBotswana neZimbabwe zvichidarika miganhu yenyika mbiri idzi.

Vanorarama nekutenga muBotswana vachinotengesa kuZimbabwe, Muzvare Primrose Mandeya vanoti havazivi kuti NRZ yavabvirepi sezvo vange vachirasikirwa nemari yakawanda mukuita basa ravo nenyaya yemabhazi nemichovha.

Nekuda kwechibvumirano ichi, zvitima kubva kumakambani aya zvinenge zvokwanisa kusvika kuFrancistown nekuBulawayo.

Chibvumirano ichi chisati chaitwa, zvitima zvenyika mbiri dzi zvaigumira kuBotswana paPlumtree.

Pakusainwa kwechibvumirano ichi, mukuru weNRZ Amai Respina Zinyanduko vakati zvainge zvotora mazuva mana kana mashanu kuti zvinhu zvizotakurwa kubva paPlumtreekupinda muZimbabwe sezvo chitima cheNRZ chisingafambe mazuva ose.

Izvi zvinotsinhirwa nemukuru weBotwana Railways Amai Chelesile Malele.

Asi kunyangwe vamwe vari kufara, VaAbraham Mangena, avo vanoita zvekutakurira vanhu zvinhu kubva muguta reFrancistown kuenda kunzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe vanoti hurongwa uhu huchaita kuti vasare vasisina basa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzataura neStudio 7 dzinoti chibvumirano ichi chichabatsira Botswana zvakanyanya sezvo NRZ isina zvitima zvakakwana uye iine zvikwereti zvakawanda zvairi kutadza kubhadhara.

NRZ yamboyedz kuita zvibvumirano nemakambani akaita seTransnet yekuSouth Africa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pasi peDiaspora Infrastructure Development Group asi zvakakona n’anga murapwa achida. Zimbabwe yakambotiwo iri kutaura neRussia kuti ipihwe zvitima asi hapana chakabuda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG