Accessibility links

Breaking News

Gweta Guru reAmerica Rokurudzirwa Kuferefeta VaTrump Vari Kupomerwa Mhosva Yekuda Kurambira Pachigaro


FILE PHOTO: Former U.S. President Donald Trump at the North Carolina GOP convention dinner in Greenville
FILE PHOTO: Former U.S. President Donald Trump at the North Carolina GOP convention dinner in Greenville

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kupomerwa mhosva ina nekomiti yedare reparamende iri kuongorora mhirizhonga yakaitika musi wa6 Ndira 2021 padare reCongress muWashington DC. Dare reHouse of Represenatives range richiongorora chakakonzera mhirizhonga iyi rapa kurudziro yekuti vaferefetwe negweta rehurumende.

USA-POLITICS/TRUMP
USA-POLITICS/TRUMP

Vatsigiri vaVaTrump vakaratidzira zvine mhirizhonga mukati mjushure mekunge VaTrump vavakurudzira kuti varatidzire kusatambira kwavo kukundwa kwavainge vaitwa musarudzo dza2020 naVaJoe Biden. Vanhu vashanu vakafa mumhirizhonga iyi nezvikonzero zvakasiyana siyana.

VaTrump vari kunzi vaida kukanganisa kutoreswa mhiko kwaVaBiden vebato remaDemocrats, kuda kuiita zvehuori kukanganisa basarehurumende, kutaura zvenhema nezvesarudzo uye kupesvedzera vanhu kuti vapandukire hurumende.

Dzimwe nhengo dzedare reCongress dzebato remaRepublicans dziri kunzi dziferefetwewo kusanganisira vaKevin McCarthy vari kutarisirwa kuva mutauriri wedare reHouse of Representatives muna Ndira gore rinouya.

Asi zviri kugweta guru rehurumende yeAmerica VaMerrick Garland kuti vochuchisa VaTrump here kana kuti kwete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG