Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neWHO neMamwe Masangano Kurwisa Chirwere cheBharaziya


Professor Francesca Mutapi
Professor Francesca Mutapi

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Muzvinafundo Francisca Mutapi vanoshanda nesangano reTracking Infections To Benefit Africa vari kuScotland vanoti sangano ravo riri kuita ongororo rakabatana nebazi rezvehutano nesangano guru reWorld Health Organisation yekuona kuti chirwere chebharazira chadzoka here munyika uye kuti chingarapwe seyi pachena.

Vanoti chirwere ichi chinoratidza nekuita weti kana tsvina ine ropa uye vanenge vaoona izvi vanofanirwa kuenda kunavana chiremba sezvo chirwere ichi chichirapika.

Professor Francesca Mutapi
Professor Francesca Mutapi

Vamwe vagari vemuHarare vanonzi vakabatwa nechirwere ichi chinokonzerwa nehutachiwona hunogara mumvura ine tsvina.

Muzvinafundo Mutapi vanoti pakambenge pane zvirongwa zvekurapa chirwere chebharazia pachena munyika munguva yapfura chakange chakanangana nevana vadiki vemuzvikoro asi chakambomiswa uye chinotarisirwa kutanga gore rinouya.

"Kurudziro yedu ndeyekuti pachadaidzirwa nebazi rezvehutano kuti vanhu vauye kuzorapwa denda rebilharzia munguva inotevera vanhu vachabuda nehuwandu hwavo sezvo chirwere ichi chichirapika uye chichange chichi rapwa pachena," Muzvinafundo Mutapi vaudza Studio7.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru wezvehutano muguta reHarare VaProsper Chonzi kana mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa .

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG