Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa naVaMashatile Vosarudzwa Kutungamira ANC


VaCyril Ramaphosa

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa uye vari mutungamiri vebato reANC VaCyril Ramaphosa vasarudzwa zvekare kuti vatungamire bato iri.

Bato reANC range richiita musangano wekutsvaga vatungamiri vatsva kana kuti National Elective Conference muJohahanesburg.

VaRamaphosa vakunda VaZweli Mkize vaimbova gurukota rezvehutano. Vaita mutevedzeri wavo ndiVaPaul Mashatile uyo asarudzwa kuva munyori mukuru ndiVaFikile Mbalula.

Svondo rapera VaRamaphosa vakapona munyatwa yavange vatarisana nayo yekuti vabviswe pachigaro nedare reparamende nenyaya yehuwori yavari kupomerwa mushure mekubiwa kwemari kupurazi ravo yainge yakavigwa musofa.

Dare revanhu vatatu rakaumbwa neparamende kuvaferefeta nyat iyi rakati vanogona kunge vakapara mhosva dzavari kupomerwa dzekupamba nekubhadhara vhara muromo kuti nyaya iyi isabuditswe. Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vakorokotedza vakunda ava padandemutande ravo reTwitter vachiti vanotarisira kushanda nawo kusimudzira Africa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti kunyangwe VaRamaphosa vaine nyaya dzavari kupomerwa, vatsigiri vakawanda veANC vachine chivimbo navo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG