Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Vokwikwidzwa Zvakasimba naVaMkize Pasarudzo Dzekutungamira ANC


VaCyril Ramaphosa mutungamiri weSouth Africa

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa nebato reANC VaCyril Ramaphosa, vanonzi vari kukwikwidzana zvakasimba naVaZweli Mkize vaimbova gurukuta rezvehutano musarudzo dzekutungamiri bato iri.

Bato iri riri kuita musangano wechimakumi mashanu nemashanu kana kuti 55th National Elective Conference kuNasrec muJohannesburg kubva musi weChishanu uchipera nemusi weChipiri.

Vari kukwikwidzana pachigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato iri ndiVaLubabalo Oscar Mabuyane, VaOaul Mashatile naVaRonald Lamola.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaRicky Mukonza vanodzidzisa paTshwane University of Technology vanoti kunyangwe VaRamaphosa vambotanga vakatungamira, VaMkize vanonzi vari kutsigirwa nechikwata chevaimbova mutungamiri wenyika VaJacob Zuma vanonzi vave kuwana rutsigiro kumatunhu akawanda.

Anenge akunda musarudzo idzi ndiye achatungamira bato iri musarudzo dzemuna 2024.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG