Accessibility links

Breaking News

Argentina Yosimudza Mukombe weWorld Cup keChitatu


Argentina yasimudza mukombe weFIFA World Cup kechitatu munhoroondo yenyika iyi mushure mekurova France 4-2 mumapenalties kuQatar.

Argentina yakasimudza mukombe uyu kekutanga muna 1978 pawakatambirwa munyika iyi ichi ichitungamirwa nakaputeni wayo Daniel Passarella.

Yakarova Netherlands 3-1. Yakazosimudza mukombe uyu zvekare muna 1986 ichitungamirirwa naDiego Maradona. Argentina yakarova West Germany 3-2 kumakwikwi akatambirwa kuMexico.

Vanhu vakapfeka hembe dzaMessi naMaradona
Vanhu vakapfeka hembe dzaMessi naMaradona

Mumutambo wanhasi wange uchinakidza zvikuru, France neArgentina dzaita mangange 3-3 dzisati dzaenda kumapenalties. Argentina ndiyo yatanga kutungamira 2-0 muchikamu chekutanga mushure mekunge Lionel Messi anwisa penalty papera mamaminitsi makumi matatu nerimwe, (31’ mins), Angel Di Maria akanwisa chechipiri mushure memaminetsi makumi matatu nematanhatu, (36’mins).

Lionel Messi
Lionel Messi

Asi muchikamu chechipiri, Kylian Mbappe anwisa mushure memaminetsi makumi masere uye makumi masere nerimwe, (80’ ne 81’). Mutambo uyu wazoenda munguva yemuwedzeredzwa kana kuti extra time. Messi anwisa mushure memaminetsi zana nemasere (108’), Mbappe achizonwisa mushure nemaminetsi zana negumi nemasere (118’) .

Mbappe
Mbappe

Nezvibodzwa zvitatu izvi, Mbappe ndiye anwisa zvibodzwa zvakawanda kudarika vamwe vatambi vose kuWorld Cip aine zvibodzwa zvisere achiteverwa naMessi ane zvinomwe. Mbappe apihwa mukombe wekurova mambure kakawanda kana kuti Golden Boot. Messi ndiye apihwa mukombe wekukunda vamwe vose kumakwikwi aya kana kuti Golden Ball.

Emiliano Martinez wekuArgentina ndiye akunda vamwe vabati vepagedhi vose kana kuti Golden Glove Award. Akunda vamwe vatambi vechidiki vose kana kuti Best youngster mutambi weArgentina zvekare Enzo Fernandez. Ane makore makumi maviri nerimwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG