Dare reparamende nemusi weChina rakapasisa kuvandudzwa kwebhiri rinosunga mashandiro emasangano akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisations (PVO) Amendment Bill.
Kupasiswa nedare repasi uku kwave kureva kuti bhiri iri ave kuenda kudare reseneti, uye kana rakatambirwa zvakare kudare reseneti, rinozoenda kumutungamiri wenyika uyo anozorisaina kuti uchive mutemo.
Vemasangano akazvimirira pamwe nevamwe vemapato anopikisa vanonzi vanga vachiramba kuti bhiri iri rive mutemo vachiti rakanangana nekupa hurumende masimba akawanda pamusoro pemashandiro emasangano akazvimirira munyika, zvinogona kuita kuti vamwe vagume vakandwa mumajeri.
Asi bepanhau reHurumende rinoti bhiri rePrivate Voluntary Organisation Amendment Bill rinonzi rakanangana nekumisa kufambiswa kwedzimari dzinoshandiswa mukuita mabasa echitororo, uye kufambiswa kwemari kusiri pamutemo nemamwe masangano akazvimirira.
Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanonzi vakaudza izvi kudare repamende mwedzi yadarika iyo vachiti izvi vakazviziviswa nesangano remushandirapamwe wedzihurumende dzakasiyanasiyana, reFinancial Action Taskforce, iro rinonzi rinobuda nemitemo inodzivirira kufambiswa kwemari dzinobatsira matororo.
Facebook Forum