Accessibility links

Breaking News

Argentina neFrance Dzosangana muFainari yeFIFA World Cup 2022 Maziso eVakawanda Ari Pana Messi naMbappe


Vatambi veParis Saint German, Lionel Messi naKylian Mbappe vari kusangana mufainari yeWorld Cup

Vatambi vaviri vanotambira chikwata chimwechete che Paris Saint Germain kuFrance, Lionel Messi naKylian Mbappe, vakatakura tarisiro yenyika dzavo pamafudzi mufainari yeFIFA World Cup 2022 iyo iriko na5:00 pm mangwana Svondo.

Messi weArgentina naMbappe weFrance ndivo vatambi vaviri vari kunyanyotaurwa nezvavo apo zvikwata zvenyika mbiri idzi zviri kugadzirira mutambo wekugumisira weFIFA World Cup 2022 kuQatar.

Hapana nharo kuti zvikwata zviviri izvi zviri mufainari iyi nemhaka yekubhebha moto kwevatambi vaviri ava, avo vari kunwisa zvibodzwa uyezve nekubikira pamwe nekupakurira vamwe vavo zvibodzwa zvacho.

Aimborairidza Dynamos, Bigboy Mawiwi, anoti hupenyu hweArgentina huri mumaoko aMessi,uyo ari kutamba zvinodakadza.

Mawiwi anowedzera iye kuti nhabvu inenge isina kupa Messi zvaanokodzera kuwana akasatora mukombe uyu mumakundano ake anofungidzirwa kuti angangove eWorld Cup ekugumisira.

Argentina iri kuda kutora mukombe uyu, uyo yakapedzisira kutora muna 1986 apo yaitungamirwa nemushakabvu Diego Armando Maradona.

France iri kudawo kuita chikwata chechipiri kutevera Brazil kutora mukombe uyu pamakundano maviri akateverana.

Muongorori wemutambo wenhabvu, VaAdvanced Katapa, avo vanozviti Jena Makwiramiti, vanoti zvinorema kuti France iite zvakaitwa neBrazil izvi muna 1958 na 1962.

Asi Mutsigiri wemutambo wenhabvu VaTinashe Museti vanoti kunyange hazvo mutambo uyu wakaoma vari kuona Mbappe achitungamira France mukusimudza mukombe.

Loinel Messi weArgentina
Loinel Messi weArgentina

Chikwata chinotora mukombe uyu chinotambidzwa mari inoita iyo mamirioni makumi mana nemaviri emadhora ekuAmerica kana kuti US$42 million, kuchitiwo chinokundwa chichiwana mamirioni makumi matatu emadhora ekuAmerica kana kuti US$30 million.

Chikwata chinotora chinzvimbo chetatu chinowana US$27 million, kuchitiwo chinotora chinzvimbo chechina chichiwana US$25 million. Mibairo iyi inodzika kusvika kuchikwata chekupedzisira, icho chinowana US$9 million.

Makundano eWorld Cup achadzoka muna 2026 aine zvikwata makumi mana nezvisere.

Africa ichange yave nezvikwata zvipfumbamwe kumakundano aya kubva pazvikwata zvishanu muna 2022.

Zvichakadaro, murairidzi wemutambo wekiriketi ane mukurumbira Shepard Makunura, uyo akashaika nemusi weChina aradzikwa kumarinda eWarrens Hills nhasi masikati kuchinaya mvura.

Vanoziva murairidzi uyu varumbidza basa guru raakaitira mutambo wekiriketi kubva achiri mutambi kusvika iye zvino apo anga ave murairidzi kana kuti Fielding Coach wechikwata chenyika chemaChevrons.

Mukuru wekumahofisi eZimbabwe Cricket, VaGivemore Makoni, vanoti basa rasiiwa naMakunura iguru.

Murairidzi wemutambo wekiriketi, Edmond Muthetwa, anoti Makunura aifanira kutoitwa gamba renyika nekusimudzira vatambi vechitema mukiriketi kwaakaita.

Mutevedzeri wemukuru wechikoro cheWise Owl High School kuMarondera, VaMichael Rushwaya, vanoti Manukura aida mutambo wake wekiriketi zvinotyisa, kunyanya kusimudzira vechidiki.

Pari zvino, Makunura anga zvekare achirairidza chikwata cheSouthern Rocks.

Pamusoro pezvo, Makunura akamborairidza chikwata cheZimbabwe A, Zimbabwe XI uyezve akatora mukombe weLogan Cup katatu ne Mountaneers muna 2017, 2019, na 2020.

Mitambo yekiriketi yeLogan Cup yanga ichifanira kutanga nhasi yamiswa kusvika mangwana kupa nguva yekuradzikwa kwemurairidzi uyu.

Makunura, uyo anga ave nemakore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, asiya mudzimai Sinikiwe Mpofu nevana vaviri.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG