Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC yaVaMwonzora Rinoti Riri Kuenderera Mberi neKongiresi Yaro Kunyange hazvo Paine Dzimwe Nhengo Dziri kuNyunyuta


Douglas Mwonzora President MDC T
Douglas Mwonzora President MDC T

Mutauriri webato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube, vanoti bato ravo riri kuenderera mberi nemusangano waro mukuru wekongiresi yechishanu neSvondo kunyange hazvo paine vamwe vari kunyunyuta nekwavanoti kufambiswa kuri kuitwa hurongwa hwemusangano uyu.

Dzimwe nhengo dzebato iri dzinosanganisira mutewedzeri wemutungamiri webato, VaElias Mudzuri naVaNorest Marara, vanove munyori anoona nezvezvirongwa zvebato iri, dzinonzi dziri kunyunyuta kuti bumbiro remitemo harina kutevedzwa pakudomwa kwaVaMwonzora kuti vave ivo nhengo yebato ichatora chigaro chemutungamiri webato pakongiresi.

VaMarara vakatokwira kudare redzimhosva vachida kuti kusarudzwa kwevabati vezvigaro kuitwa pachiteverwa bumbiro reMDC uye nenzira yakajeka.

Asi VaDube vanoti hapana mutemo webato wakatyorwa pakudomwa kwaVaMwonzora, uye vamwe vose vakashaya vanhu vakavadomawo izvo zvinoita kuti VaMwonzora vave ivo munhu achamirira bato musarudzo dzegore rinouya mushure mekusarudzwa semutungamiri webato pakongiresi.

Vanotiwo vanhu vose vari kunyunyuta kuti bumbiro remitemo rakatyorwa vakanga varimo mumusangano weNational Council yebato ravo wakadoma VaMwonzora nevamwe vatungamiri vachatora zvigaro pakongiresi, asi havana kupikisa.

Asi VaMarara vanoti kongiresi iyi mahumbwe chaiwo, vachiti dai vaive nemasimba ekuimisa vaiimisa.

Vanoti dare harisati ranzwa nyaya yavo sezvo yakanzi haikodzeri kunzwikwa chimbichimbi.

Kunyange hazvo vari kunyunyuta, VaMarara vanopti vachange variko kukongiresi uku neSvondo.

Vamwe vevari kunyunyuta ava vanoti vanhu vaityisidzirwa pamusorio pekushandiswa kwechikiribidi.

Mwedzi wapera National Council yeMDC yakasangana kumuzinda webato weMorgan Richard Tsvangirai House dzakadoma pasina kupikiswa VaMwonzora kuti vave ivo chete munhu achasarudzwa semutungamiri webato pakongiresi.

Kudomwa uku kunorevawo kuti VaMwonzora ndivo chete nhengo yebato ichakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya yakamirira MDC.

VaChief Ndlovu vakadomwawo semutewedzeri wemutungamiri webato wekutanga vasina kupikiswa.

VaSoloomn Chikowero ndivo vakadomwa kuvesachigaro webato, Muzvare Yvonne Musarurwa vachidomwawo semutewedzeri wavo.

Zvimwe zvigaro zvinenge zvichikwikwidzwa mkukongiresi neSvondo zvinosanganira zvigaro zvemadzimai zvose.

Kuboka revechidiki kuchakwikwidzwa zvigaro zvemurongi wemisangano nemutewedzeri wake sezvo zvimwe zvigaro zvose zvichinzi naVaDube zvakawana nhengo dzakadomwa kuzvitora kare.

Hurukuro naVaWitness Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaNorest Marara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG