Accessibility links

Breaking News

Croatia Inotora Chinzvimbo cheTatu Mushure meKurova Morocco muMutambo weFIFA World Cup 2022 kuQatar


Vatambi veCroatia mushure mekutambidzwa menduru dzavo dze bronze.

Chikwata cheCroatia charova Morocco 2-1 zvaita kuti chitore chinzvimbo chetatu pamwe nemenduru dze bronze mumakundano emukombe wenhabvu yepasi rose, weFIFA World Cup 2022 watambirwa kuQatar.

Josko Gvardiol anwisa chibodzwa cheCroatia chekutanga mukati memaminitsi manomwe mutambo uchangotanga, ukuwo Achraf Dari achidzora chibodzwa cheMorocco mukati memaminitsi mapfumbamwe mutambo watanga.

Asi zvinhu zvaenda nepamwe kwasara maminitsi mashomashoma kuti vatambi vaende kumbonozorora apo Morocco yabvumidza Mislav Orsic weCroatia kunwisa, izvo zvasimudza vatsigiri veCoratia vanga vakazara munhandare yeKhalifa International Stadium yatambirwa mutambo uyu.

Pamakwikwi adarika akatambwa muna 2018, Croatia yakatora chinzvimbo chepiri mushure mekupinda mufainari neFrance.

Kunyange hazvo Morocco yakundwa, izvi hazvina kunyanyokanganisa mufaro wevatsigiri venhabvu vakawanda vemuAfrica, avo vari kupembera nekuti chikwata ichi ndicho chakaita chekutanga chinobva muAfrica chakapinda mumasemi fainari emutambo wenhabvu yepasi rose uyu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG