Accessibility links

Breaking News

Morocco neCroatia Dzosangana neMugovera Kurwira Menduru yeBronze yeMakwikwi eFIFA World Cup 2022 Ari kuQatar


Vatambi veMorocco
Vatambi veMorocco

Vanotevera nhabvu vakawanda vamirira nemaziso matsvuku kuti vaone kana Morocco ichishura mare zvakare nekutora menduru ye bronze pamutambo wekurwira chinzvimbo chetatu nechechina kumakwikwi enhabvu yepasi rose yeFIFA World Cup 2022, apo iri kusangana neCroatia neMugovera kuQatar.

Morocco yakave nyika yekutanga muAfrica kupinda mumasemi fainari emukombe uyu, umo yakazorohwa 2-0 neFrance.

Muongorori wenhau dzemitambo uye vari murairidzi wenhabvu yevechidiki mudunhu reWest Virginia muAmerica, VaJonah Masiya, vanoti vanoona sekunge mutambo uyu uchange wakasimba pachitariswa matambiro ezvikwata zviviri izvi.

Croatia yakarohwawo 3-0 neArgentina, asi VaMasiya vanoti izvi hazvifanirwe kutariswa sekunge chikwata ichi chisingagoni bhora, vachiti kune vatambi vane hunyanzvi vakaita saLuka Modric naMateo Kvacic vanogona kushandura zvinhu.

Kuchikwata che Morocco, VaMasiya vanoti kune vatambi vanoti mubati wepagedhi Yassine Bounou nakaputeni wavo Hakim Ziyech, vanotamba zvinonwisa mvura zvinogona kuti Africa isimudzirwe zvakare neMorocco.

Fainari yemutambo uyu iriko neSvondo apo Argentina iri kusangana neFrance, inove ndiyo ine mukombe uyu wayakatora muna 2018.

Hurukuro naVaJonah Masiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG