Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoparura App yepaNharembozha Inonzi Taura Harare, Yekuti Vagari Vakwanise Kubatsirwa Pamwe neKubhadhara Mitero


Kanzura veHarare Ward 7, VaHappymore Gotora.
Kanzura veHarare Ward 7, VaHappymore Gotora.

Kanzuru yeHarare yaparura chirongwa chekuti vagari vakwanise kubatsirwa nekanzuru pamwe nekubhadhara mitero vachishandisa nharembozha dzavo kana kuti mobile Application inonzi, Taura Harare.

Guta reHarare rakabatana nesangano reCombined Harare Residents Association (CHRA) kuumba Mobile Application iyi, iyo inonzi iri kutarisira kusimudzira mafambisirwo emabasa nekanzuru kana kuti inonzi pachirungu service delivery.

Vachitaura apo vanga vachiparura chirongwa chekushandisa humhizha hwenharembozha uhwu hwe “Taura Harare”, kanzura veWard 7, VaHappymore Gotora, vanova sachigaro wekomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, vati vanofara zvikuru kana vachikwanisa kurerutsira vagari.

VaGotora vati izvi zvichabatsirawo kuti kanzuru ikurumidze kugadzirisa matambudziko anenge achisangana nevagari.

Mukuru weCHRA, VaReuben Akili, vatsigirawo vachiti donzvo remushandirapamwe uyu nderekusimbisa hukama pakati pevagari nekanzuru yavo pamwe nekuvhura mikana yenhaurirano dzakasununguka.

Vachitaura neStudio 7, VaGift Marimo, vanoshanda nekambani yeCodel, inova yakagadzira Mobile Application iyi, vati chinangwa chavo ndechekubatsira guta reHarare kuitira kuti vagari vakwanise kuwana zvavanotarisira kukanzuru nenguva uye vari chero kwavari.

Vanoti zvimwe zvinokwanisa kuitwa ne App iyi zvinosanganisira kuzivisa kanzuru matambudziko anenge awira vagari kunzvimbo dzavanogara, kuziva kune makirinika ekanzuru, kubhadhara mitero pamwe nekuwana rumwe ruzivo rwakasiyasiyana rwune chekuita neguta reHarare.

Mobile Application yeTaura Harare iyi, iyo yave kutoshanda pari zvino, iri kuwanikwa panharembozha ndinoshandisa software yeAndroid, asi paine tarisiro yekuti ichavandudzwa kuti iwanikwe pane dzimwe mhando dzakadai sema I-phone.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG