Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki, Fasterman Crussader Marura, Anoimba Musambo weDanceHall, Osimudzira Dunhu Rake ReChipinge Mune Zvemimhanzi


Muimbi weZim Dancehall, Fasterman Crussader Marura

Muchirongwa chedu chemagitare, chesvondo rino tinokupai muimbi wechidiki, Fasterman Crussader Marura anobva kuChipinge, uyo anoimba musambo weDance Hall.

Fasterman anoti akatanga zvekunyora nekuimba mimhanzi achiri kuchikoro asi vabereki vake nehama vaisazvifarira vachiti ambotanga apedza chikoro.

Pari zvino anoti mhuri yese nevatsigiri vake vave kumira naye mumusambo wake waanoimba.

Zim Dancehall Artist -Fasterman Crussader Marura
Zim Dancehall Artist -Fasterman Crussader Marura

Kambo kake katsva kanonzi 'Kudhakwa neDoro' kari kuparurwa neMugovera kwakare kuChipinge.

Anoti paKisimusi achange akabatana nevamwe vaimbi vachiita bira guru remimhanzi paTanganda Halt, uko kwaanoti kuchange kusingadaidzwi anonzwa.

Fasterman anoti matambudziko aanosangana nawo mukuimba kwake ndeekushaya mari dzekutsikisa mimhanzi mitsva uye kugadzirisawo mavidhiyo akanaka sezvo asati asimukira zvekukwanisa kumira ega.

Mimhanzi yake inowanikwa pamadandemutande eFacebook neYouTube nezita rekuti Fasterman.

Hurukuro nemuimbi we Zim Dancehall -Fasterman Crussader Marura
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG