Accessibility links

Breaking News

Gurukota rezveMari, Muzvinafundo Ncube, Vanoti Havasi Kuzowedzera Mari Yavakapa kuBazi reHutano muBhajeti ra2023


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vachitaura muparamende.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vachitaura muparamende.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti havazi kuzowedzera mari yavakapa kubazi rehutano mubhajeti regore rinouya vachiti mari yavakapa bazi iri, iyo inosvika ZWL$473 billion pamwe neUS$213 million yavanotaririsira kubva kumasangano anopa rubatsiro, inokwana pane zvese zvinodiwa nebazi iri,

Muzvinafundo Ncube vataura mashoko aya vachipindura nhengo dzeparamende mudare re National Assembly nhasi idzo dzange dzichida kuti bhajeti rehutano riwedzerwe dzichiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvese munyika.

Vati mari inowana bazi iri kubva kuhurumende nemasangano anoshanda akazvimirira yakawanda chose uye vakaona kuti bazi rehutano haritori mari yose kubazi ravo sezvo richinyanyoda kushanda nemasangano anopa rubatsiro uko rinowana madhora ekuAmerica.

Vaenderera mberi vachiti bazi rehutano rinofanira kushanda nesimba kutsvaga mari kubazi ravo vachiti mapazi akaita serekurima nerekutakurwa kwezvinhu anopedza mari dzese dzaanopihwa mubhajeti nekuti anoshanda nesimba.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nenhengo dzeparamende.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube nenhengo dzeparamende.

Asi vamwe vakaita semumiriri weMberengwa North, VaTafanana Zhou veZanu PF, vaudza Muzvinafundo Ncube kuti vanofanira kupa mapazi mari dziri mubhajeti nekuti kutadza kuita izvi kuri kudzorera zvinhu kumashure.

Mumiriri weMabvuku, VaJames Chidhakwa veCitizens Coalition for Change, vatiwo VaNcube vanofanira kupa bazi rehutano mari yakawanda vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvese munyika.

Muzvinafundo Ncube vaudza nhengo dzeparamende idzi kuti vari kuona kuti zvipatara zvakazvimirira, kana kuti ma Private Hospitals, zviri kuwanda munzvimbo dzese munyika uye vachaita hurongwa hwekuti zvipatara zvehurumende nezviparata izvi zvishande pamwechete.

Vatiwo zviri pachena kuti mamwe mapiritsi anotengwa nehurmende kuendesa muzvipatara zvayo anotsakatika nekukasika achienda kuzvipatara izvi.

Mutungamiriri wesangano ravanachiremba vanoshanda vakazvimirira, Doctor Johannes Marisa, vaudza Studio 7 kuti mune huwori muzvipatara zvehurumende uye mapiritsi nemimwe mishonga iri kutorwa muzvipatara ichitengeswa kwakasiyana siyana.

Hatina kukwanisa kunzwa kubazi rehutano sezvo vange vasati vapindura mibvunzo yedu patatenda pamhepo.

Mari yakapihwa kubazi rezvehutano ye 473 bhiriyoni emadhora emunyika inoita zvikamu gumi nechimwe zvebhajeti rese re ZWL$4.5 trillion iri kutarisirwa kushandiswa nehurumende gore rinouya.

Nhengo dzeparamende dzange dzichida kuti Muzvinafundo Ncube vawedzera bhajeti rebazi rehutano iri kusvika pazvikamu gumi nezvishanu sezvinodiwa nechiga cheAbuja Declaration.

Zvichakadaro, dare reNational Assembly rinotarisirwa kupasisa bhajeti ra2023 rozoriendesa kudare reSeneti.

Kana rikapasa kuSeneti rinozonosainwa nemutungamiriri wenyika kuti ritange kushanda.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG