Accessibility links

Breaking News

Poita Ropa Rakaipa Pakati peVagari veMunharaunda Dzinochengeterwa Mhuka neVanochengetedza Mhuka


Vagari vakawanda vanopesana nevanochengetedza mhuka mushure mekupinda munzvimbo dzisingabvumidzwe.
Vagari vakawanda vanopesana nevanochengetedza mhuka mushure mekupinda munzvimbo dzisingabvumidzwe.

Paita ropa rakaipa pakati pevagari vari munzvimbo dzakaganhurana nenzvimbo dzinochengeterwa mhuka nevanochengetedza mhuka zvichitevera kufa kwemumwe murume mushure mekurohwa achipomherwa mhosva yekuvhima zvisiri pamutemo.

VaElvin Gondokoto vakafira kuchipatara chemuKaroi mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanochengetedza mhuka, veAfrica Parks, kuSiakobvu masvondo matatu apfuura.

Zvinonzi vanhu vana vakaita VaGondokoto kafiramberi hapana zvavakaitwa, izvo zvakapa vamwe vagari hasha dzekunorova vanochengetedza mhuka ava ndokusungwa.

Baba vemufi, VaRonald Gondokoto, vanoti mhuri yavo iri mukurwadziwa zvakanyanya vachiti mwana wavo akaurayiwa semhuka asi vakamuuraya havana kusungwa.

VaGondokoto vanoti vashandi veAfrica Parks vanokoshesa kodzero dzemhuka kudarika kodzero dzevanhu.

Mumwe mugari wekuSiakobvu asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo achityira hupenyu hwake anoti vanochengetedza mhuka ava vari kushungurudza vagari vari kushanda pasi pechibvumirano chavakaita neZimbabwe National Parks -ZimParks munzvimbo yavo sezvo pakutanga zvanga zvisina kudaro.

Mumwe akasungwa mushure mekurova vanochengetedza mhuka ava, VaSamson Cherera, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti nyaya yavo ichiri kumatare edzimhosva.

Hurungwe Safari, Zimbabwe
Hurungwe Safari, Zimbabwe

Mutauriri webazi reZimParks, VaTinashe Farawo, vabvuma kuti VaGondokoto vakafa mushure mekusangana nevanochengetedza mhuka vachiti havana kurohwa asi kuti vakanyura mumvura mushure mekuda kutiza vanochengetedza mhuka.

VaFarawo vanoti vamwe vashandi vavo vakarohwa nevagari kunyange vainge vakapakatira pfuti zvavanoti zvinoratidza kuti vashandi vavo vanoda runyararo nevagari.

VaFarawo vanoti vanokurudzira kuti vagari vabatsirane nevashandi vavo mukuchengetedza mhuka.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti makambani ari munyaya dzezvezviwanikwa haachakoshesa hupenyu hwevanhu.

VaMaguwu vanoti hurumende inofanirwa kudzosa chirongwa cheCampfire, icho chaibatsira kuti pave nerunyararo pakati pevanhu nemhuka uye kuti vanhu vanogara pedyo nenzvimbo dzinochenheterwa mhuka vanowanawo cheuviri.

Kurohwa kwevagari nevanochengetedza mhuka kunonzi kuri kuitikawo kuNyamakate kuvagari vari munzvimbo iri padyo neKariba Game Reserve.

Ambuya Maidei Chundu vanoti vari kushungurudzwa nevashandi vekambani yeInternational Anti-Poaching Foundation, avo vanonzi vakamborova mumwe murume wechidiki akafa kutanga kwegore rino asi hapana zvavakaitwa.

Hatina kukwanisa kutaura nevemakambani anochengetedza mhuka aya sezvo vakuru vavo vanzi vanogara kunze kwenyika.

Hatinawo kuwana huwandu hwevanhu vakafa nekuda kwekurohwa nevashandi vemakambani anochengetedza mhuka pasi pechibvumirano neZimParks sezvo VaFarawo vati havana huwandu uhwu.

Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, kuti tinzwewo kuti nyaya dziri kumhan’garwa kumapurisa dzekunetsana kwevagari nevanochengetedza mhuka dzakawandawo zvakadii uyewo kuti vanhu vari kusungwa vachivhima zviri kunze kwemutemo vakawandawo zvakadii?

Gore negore vagari vane chitsama vanosungwa vamwe vachiurayiwa nekuda kwekuvhima zviri kunze kwemutemo.

Semuenzaniso, bepanhau reThe Standard rinoti kubva muna Ndira kusvika muna Chikumi gore rino, vagari vekuTsholotsho gumi nevana vakasungwa mushure mekuwanikwa vaine nyanga dzenzou.

Vamwe varume vana vekuKamativi, Hwange neBinga vakasungwawo mushure mekuwanikwa zvakare vaine nyanga dzenzou dzavainzi vaiedza kutengesa muKamativi.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG