Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Zvita 16, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Hurumende yeZimbabwe inotambira nemufaro kurudziro yasachigaro veAfrica Union uye vari mutungamiri weSenegal, VaMacky Sall yekuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica zvibviswe. VaSall vakati zvirango izvi zviri kuramba zvichikanganisa vana veZimbabwe.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti havazi kuzowedzera mari yavakapa kubazi rehutano mubhajeti regore rinouya vachiti mari yavakapa bazi iri pamwe ne yavanotarisira kubva kumasangano anopa rubatsiro inokwana pane zvese zvinodiwa nebazi iri.

Kanzuru yeHarare yeparura chirongwa chekuti vagari vakwanise kubatsirwa nekanzuru pamwe nekubhadhara mitero pamadandemutande kana kuti mobile Application inonzi TauraHarare.

Paita ropa rakaipa pakati pevagari vari munzvimbo dzakaganhurana nenzvimbo dzinochenheterwa mhuka nevanochengetedza mhuka zvichitevera kufa kwemumwe murume nekurohwa achipomherwa mhosva yekuvhima zvisiri pamutemo.

Tichatarisawo zvinganobuda pamutambo weFIFA World Cup 2022 pakati peCroatia neMorocco uyo uriko mangwana kuQatar apo nyika mbiri idzi dziri kusangana dzichirwira menduru ye bronze. Fainari pakati peArgentina neFrance iriko neSvondo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm nhasi, tiri kukurukura pamusoro pemusangano uchangopetwa muno muWashington d.c., we US-Africa Summit, uyo wakapinda nevatungmiri venyika dzemuAfrica vanosvika makumi mashanu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG