Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakati vaisa parutivi homwe yemabhiriyoni akawanda emadhora kuti vashande nehurumende nemasangano akazvimirira oga.
VaBiden vakataura mashoko aya nemusi weChitatu kumusangano wemazuva matatu weUS-Africa Leaders’ summit muWashington DC. Musangano uyu uri kuunza pamw chete vatungamiri venyika nevemabhizimisi.
Vachitaura pamusangano uyu, VaBiden vakati vakazvipira kushanda nevatungamiri vemuAfrica kusimudzira nyika dzavo.
“Kuvandudzika kwehupfumi hweAfrica kunokwanisika chete kana paine kutongwa kwenyika kwakanaka, vanhu vane hutano uye magetsi nedzimwe mhando dzemoto. Izvi ndizvo zvinotarisisa nevemabhizimisi kana vachida kuuchika mari dzavo.” Vakaenderera mberi vachiti, “ Zvinokwezva mikana mitsva uye mishandirapamwe. America yakazvipira kutsigira zvirongwa zvose zvekusimudzira hupfumi pasina anosaririra uye kuumba hwaro hwekuti kuengeserana kuve nyore pakati pevemabhizimisi vayo nevekuAfrica. America yakazvipira kushanda neAfrica kuti ive neremangwana rakajeka.”
VaBiden vakatiwo pane chibvumirano chekutengeserana pakati peAmerica neAfrican Continental Free Trade Area nezvimwe zvibvumirano zvinosimudzira hupfumi. Vakatiwo nyika yavo yaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi mashanu kana kuti US$350 million yekusimudzira humhizha nehumhetura pakufambiswa kwemashoko kana kuti “Digital Transformation with Africa.”
VaBiden vakati, “Izvi zvinosanganisira kudyidzana kwemakambani emuAfrica emuAmerica munyaya dzeuona kuti madandemutande akachengetedzeka.”
Mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Linda Thomas Greenfield vakatiwo kubatsira Africa hakunei nekuti yatsigira Russia here kana kuti kwete nukurwisa kwairi kuita Ukraine.
Asi havasi vatungamiri vose vemuAfrica vakakokkwa kunhimbe neAmerica. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangwagwa nevamwe vakapidigura hurumende vachishandisa chisimba kubva kuGuinea, Sudan, Mali neBurkina Faso.
Kumucheto wemusangano uyu, vaimbova mumiriri weAmerica muZimbabwe VaTom MacDonald vati vanotambira danho renyika yavo rekusakoka mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu. Vati VaMnangagwa vanofanira kutevedzera hutongo hwejekerere.
Asi vachitaura neStudio 7, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava avo vari kumirira Zimbabwe vakati havana kufara nedanho reAmerica rekusakoka VaMnangagwa iri.
Vachipawo pfungwa dzavo, VaTawanda Dzvokora vebato rinopikisa reCCC vati Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu.
Musangano wakadai wakapedzisira kuitwa muWashington DC makore masere adarika uchikokerwa nevaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama.
Facebook Forum