Panguva iyo hurumende iri kuti hurongwa hwayo hwekugadzirisa zvakare hukama hwayo nenyika dzekumawirira huri kubudirira, America svondo rino yakatemera zvirango zvehupfumi kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvina, zvinosanganisira mwanakomana wemutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaEmmerson Junior.
Vamwe vakatemerwa zvirango ndaVaObey Chimuka vekambani inonzi Fossil Contracting, Amai Nqobie Magwizi vanoshanda nekambani yeSakunda yaVaTagwirei, pamwe naAmai Sandra Mupunga, vanove mudzimai wemuzvinabhizimusi ane mukurumbira munyika, VaKudakwashe Tagwirei, avo vagarawo vari pazvirango zveAmerica izvi.
Pamusoro pevanhu ava, makambani maviri akaiswawo zvakare pazvirango izvi nenyaya yehukama hwaainahwo naVaTagwirei.
Kunyange hazvo America yakabvisa pazvirango vamwe vaive makurukota muhurumende yamushakabvu VaRobert Mugabe, vakawanda vanoti kuiswa kwemwanakomana wemutungamiri wenyika pazvirango mucherechedzo wekuona kuri kuita America huwori huri kuitwa nemhuri yemutungamiri wenyika, pamwe nevavanodyidza navo.
America inoti vanhu nemakambani ava vakaiswa pazvirango nekuti vari kuita zvehuwori, ukuwo hurumende ichiti zvirango izvi hazvisi pamutemo.
Sachigaro veCitizens Coalition for Change mudunhu reNorth America VaTawanda Dzvokora vanoti kudzikwa kwezvirango uku kunoratidza kuti hurumende yeZimbabwe haisi kuita zvainofanirwa kunge ichiita, zvekumisa huwori pamwe nekuchenghetedza kodzero dzevanhu.
Asi sachigaro veZanu PF mudunhu re North America, VaRegis Charumbira Vusango, vanoti America ndiyo inotofanirwa kutita shanduko panyaya yezvirango nekuti iri kutemera vanhu vasina mhaka, kwete kuti itarisire kuti Zimbabwe ichatora matanho.
VaCharumbira Vusango vanoti Zimbabwe haina chairi kukanganisa chingaite kuti irangwe neAmerica.
Facebook Forum