Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa kutaura nhasi nevatungamiri venyika dzemuAfrica nevamiriri vavo vanosvika makumi mashanu nemashanu.
VaBiden vari kutarisirwa kuudza vatungamiri ava kuti America iri kutsigira chisungo chavo chekuti African Union ive nhengo yenyika makumi maviri dzakabudirira kana kuti G-20.
Mutungamiri wenyika ari kutarisirwawo kuzivisa kuti America yaumba homwe yemari inosvika mabhiriyoni makumi mashanu nemashanu kna kuti US$55 billion yekudyidzana nenyika dzemuAfrica kwemakore makumi matatu anotevera.
America yadomawo vaimbova mumiriri VaJohnnie Carson kuti vaone kuti zvose zviri kubvumiranwa zvazadzikiswa.
Kunyangwe vatungamiri venyika dzakawanda vakakokwa kuAmerica, mutugamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havana kukokwa sezvo vakatemerwa zvirango. Zimbabwe iri kumirirwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava.
Facebook Forum