Chikwata cheInternational Monetary Fund (IMF), chiri munyika umo chiri kuita hurukuro dzakasiyanasiyana nemapoka akasiyanasiyana dzinosanganisira dzemamiriro ehupfumi hwenyika, zvirongwa zvehupfumi, pamwe nemisangano ye 2023 Article IV.
Chikwata ichi chinonzi chiri kuita misangano nevakuru vehurumende, vemakambani akazvimirira, masangano anoita zvebudiriro, pamwe nevemasangano akazvimirira.
Asi vamwe vari kuti chikwata cheIMF ichi chauya panguva yakaipa apo nyika yakatarisana nedambudziko remagetsi.
Izvi zvinotsinhirwa nenyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCallisto Jokonya, avo vanoti zvinogona kusanakira Zimbabwe.
Asi VaJokonya vanoti yave nguva yekuti Zimbabwe ichizvimirira yoga pane kuramba ichidzokera kuIMF, iyo vanoti yakamirira kugutsa zvido zvevanoitungamira.
Asi kushanya uku kwakakoshera nyika here? Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya vanoti kushanyirwa neIMF kunobatsira Zimbabwe nenzira mbiri.
Vanoti yekutanga ndeyekuti varidzi vemari vanoona vega mamiriro ezvinhu pasina kunyeperwa nehurumende, uye yepiri ndeyekuti kuti Zimbabwe inomboedza kugadzirisa zvinhu sevanhu vanenge vachida mari, kunyange hazvo zvichizoramba.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti vanotarisira kuti nyaya yehurongwa hweZimbabwe hwekuedza kudyidzana zvakare nedzimwe nyika pamwe nemamwe masangano ndeimwe yemisoro yenhau dziri kukurukurwa kumisangano iri kuitwa nechikwata ichi.
Asi Doctor Kanyenze vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvirongwa zvayo zvekubatsira vanoshaya kana ichida kuti izadzikise zvirongwa zvayakatara.
VaMasimba Kuchera, vanove zvakare nyanzvi mune zvehupfumi, vanotiwo chinonakidza ndechekuti kana misangano yeArticle IV yapera, Zimbabwe neIMF vanenge vaine maonero akasiyana panyaya yekufamba kwehupfumi hwenyika.
Asi mubvunzo mukuru ndewekuti pane chakanaka here chichabuda kubva mukushanya uku? VaNgwenya vanoti havaone paine chine makushe chinobuda.
Chikwata ichi, icho chiri munyika kubva kutanga kwemwedzi uno kusvika musi wa 15 mwedzi uno, chinonzi chiri kutungamirirwa naVaDhaneshwar Ghura uye chine nyanzvi mune zvehupfumi VaWayne Mitchell naAmai Concha Verdugo-Yepes.
Vamwe varimo inyanzvi mune zvemari VaMoses Kitonga, nyanzvi mune zvehupfumi yakamirira Zimbabwe, VaChuku Chuku, pamwe nenyanzvi munyaya dzetsvakurudzo, Amai Rohan Ahluwalia.
Rwendo rwechikwata ichi rwunotevera rwumwe rwakaitwa zvakare nechimwe chikwata cheIMF muna Gunyana wegore rino, icho chakapembedza matanho ari kuitwa nehurumende anosanganisira ekudzikamisa mutengo wemari yekunze, asi chakakomekedza kuti panodiwa mamwe matanho ekunyatsodzikamisa hupfumi ane hupenyu hunoenda mberi.
Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kunyange hazvo hurumende iine hwaro hwezvirongwa zvairi kuita mukumutsiridza pamwe nekudzikamisa hupfumi hwenyika, huwori pamwe nekushaikwa kwemagetsi nguva dzose ndizvo zvimhingamipinyi zvikuru zvayakatarisana nazvo vachiti izvi zvinogona kunge zvichizoiswa pamusoro mugwaro rinozoburitswa neIMF pane zvainenge yawana.
Facebook Forum